Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuKariba Vanorarama neKutengesa Hove Voomerwa neHupenyu


Vanorarama nekutengesa hove kuKariba vari kuchema kuti denda reCovid-19 rakavaburitsa mubhizinesi.

Vagari vekuKariba vanorarama nekutengesa hove kazhinji kune vanenge vachishanyira guta iri vanoti kuoma kwehupenyu kwawedzerwa nechirwere cheCovid-19 kwave kupa kuti vanonge svosve nemuromo.

Pakavakwa dhamu reKariba kutanga muna 1955, ndiro raive dhamu rakakurisa pasi rose rakagadzirwa nevanhu asi iko zvino kwave nemamwe makuru kune dzimwe nyika kunyangwe ari mashoma. Dhamu iri riri pakati peZimbabwe neZambia.

Kunze kwegwenya remagetsi, Kariba inozivikanwawo senzvimbo yekutandarira kune vanofarira zvekutambira mumvura nekuona mhuka. Vamwe vanoshanyirawo nzvimbo iyi kuzoona matambo yenhabvu pakati pechikwata cheZPC Kariba nezvimwe zvikwata zviri muPremier Soccer League.

Vanhu vemunharaunda iyi kwemakore akawanda vange vachiwana chouviri kubva kuvashanyi nekutengesa hove. Kumiswa kwange kwaitwa mitambo yenhabvu nekuda kwechirwere cheCovid-19 kwakabva kwaita kuti bhizimisi rinyanya kudzikira.

Vagari vange vafara pakatanga mitambo yenhabvu Svondo rapera asi vasangana nerimwe dambudziko sezvo vatsigiri venhabvu vave kuramwa kupinda mumitambo yePSL vachiti mari iri kubhadhariswa yakawandisa.

VaMaynard Mhere avo vanorarama nekutengesa hove muguta reKariba vanoti vaitarisira kutengesa hove dzakawanda sezvavaisimbo ita makore apera paiwuya zvikwata zvenhabvu zvakaita seCaps United, Dynamos, Highlanders ne FC Platinum. Asi vanoti izvi zvave zviroto sezvo vatsigiri vasiri kuda kubhadhara madhora gumi ekuAmerica.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe mutengesi wematemba VaClemio Sambo.

VaSambo avo vanotengesa hove dzavanobata kunzvimbo yeCharara vanotikutengwa kwehove kwanga kwadzikira zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19 sezvo vanhu vange vonzi vagare mudzimba.

Panyaya yekukwidzwa kwemari yekupinda munhandare kunoona bhora sachigaro weKariba Resident Association VaSam Mawawo vanoti vakawirirana nevagari kuti havasi kuzoenda kunoona bhora kusvikiramari idzi dzadzikiswa kusvika pamadhora matatu ekuAmerica.

Chikwata cheCaps United icho chakatamba neZPC Kariba neMugovera zvikaita mangange zero-zero hachina kufamba nevatsigiri vacho vakawanda sezvavaimboita zvekuzadza mabhazi maviri kana matatu. Izvi zvakanganisa bhizimis revanotengesa hove ava.

Hatina kunzwa divi rePSL kuti vachadzikisa here mari dzekupinda kunoona bhora nekuda kwekuchema chema kuri kuita vatsigiri venhabvu vakawanda sezvo mutauriri wegungano iri Muzvare Kudzai Bare vanga vasingadaire nharembozha yavo.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG