Accessibility links

Breaking News

VaLuke Malaba Vanodomwa Kuve Mutongi Mukuru weMatare


Justice Luke Malaba
Justice Luke Malaba

Vamwe vanhu vanoti vari kufara nedanho ratorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rekudoma Justice Luke Malaba semukuru wevatongi vematare edzimhosva.

VaMalaba vari kutora basa rakasiyiwa naVaGodfrey Chidyausiku, avo vakaenda pamudyandigere kutanga kwaKurume.

Mutevedzeri wemukuru wesangano rinoshanda rakazvimirira rega reCentre for Public Engagement, VaButler Tambo, vanoti vari kufara nedanho ratorwa nemutungamiri wenyika vachiti izvi zvinoratidza kuti VaMugabe vatevedzera mutemo wenyika sezvinotarisirwa. .

Sangano iri nderimwe remasangano pamwe nevamwe vanhu vange vasiri kufara nemakakatanwa ange aripo panyaya yekusarudzwa kwaChief Justice mutsva uye kuda kuvandudzwa kwemutemo une chekuita nekusarudzwa kwemukuru wevatongi vematare.

Murwiri wekodzero dzevanhu vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, VaVivid Gwede , vatiwo vanofunga kuti vanhu munyika vari kufara nedanho ratorwa nemutungamiri wenyika.

Pamusangano wekuzeya nezvekuvandudzwa kwemutemo wekusarudzwa kwaChief Justice wakaitwa muBulawayo muna Kukadzi, vanhu vakawanda vakaratidza kusafara kwavo nehurongwa hwehurumende uhu vachiti vanotyira kuti kuda kuchinja mutemo uku inzira yebato riri kutonga reZanu PF yekuedza kupindira mumashandiro evatongi vematare epamusoro.

Kunyange hazvo kuda kuvandudzwa kwemutemo uku kungangoenderera mberi, VaGwede vanoti vanotarisira kuti vadare veparamende vachatevedzera zvido zvevanhu.

Asi VaTambo vanoti havafunge kuti kunyange mutemo ukavandudzwa, pachave nechichachinja pakudomwa kwaJustice Malaba

Gurukota redzidzo yepamusoro, Muzvinafundo VaJonathan Moyo, varatidzawo kufara paTwitter pavo vachiti kudomwa kwaJustice Malaba naVaMugabe kunoratidza kuti mutungamiri wenyika vanotevedzera gwara remutemo.

Kubvira payakatanga, nyaya yekuda kuvandudza mutemo wekusarudzwa kwemukuru wevatongi yakonzera mutauro munyika vamwe vachiti kuda kuvandudzwa kwemutemo uku kunoratidza makakatanwa ari mukati mebato riri kutonga reZanu PF.

Murongi wemabasa musangano reAbammeli Human Rights Lawyers Network, VaTineyi Mukwewa, vanotiwo vari kufara nekudomwa kwaVa Malaba semukuru wevatongi, asi vati zvinogona kuitika kuti pane vangade kuramba vachipikisa kudomwa uku.


Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kune boka reJudicial Services Commission. Asi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vati VaMalaba, avo vari kunze kwenyika pari zvino, vanotarisirwa kutora mhiko svondo rinouya.

VaMalaba vakazvarwa mugore ra1951 vakashanda semuchuchisi mushure mekuwana kuzvitonga kwenyika.

Vakaita zvidzidzo zvemitemo kuBritain nemuZimbabwe.

Mushure mekushanda semuchuchisi, vakashandawo samajesitireti kwemakore akawanda.

Vakazodomwa semutongi wematare edzimhosva epamusoro muna 1994, vakazoitwa mutongi wemuSupreme Court muna 2008.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG