Accessibility links

Breaking News

Matare Onzwa Gakava Pakati paMuzvare Khupe naVaChamisa


High Court Zimbabwe
High Court Zimbabwe

Mutevedzeri wemukuru wevatongi, Amai Elizabeth Gwaunza, vatara musi wa 30 Chivabvu sezuva richanzwikwa nyaya yakakwidzwa mudare reConstitutional Court nemumwe mutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vachipikisa kudzingwa kwavakaitwa mudare reparamende nechimwe chikwata cheMDC chinotungamirwa naVaNelson Chamisa.

MDC-T yaChamisa yakadzinga Muzvare Khupe muparamende ichiti havasisiri nhengo yeMDC-T.

Asi Muzvare Khupe vakabva vaenda kumatare vachiti nyaya iyi inzwikwe chimbi chimbi nokuti ivo ndivo vakafanobata matomu muMDC zviri pamutemo zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai muna Kukadzi.

Ukuwo VaChamisa vanoti ndivo vakapihwa masimba ekutora matomu zvichitevera zvisungo zvakabuda neNational Council yeMDC-T.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T inotungamirwa naVaChamisa, Muzvare Tabitha Khumalo, vati hapana zvekutaura sezvo nyaya ichiri kumatare.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vaudza Studio7 kuti bato ravo richakunda nyaya dzose dziri mumatare nekuti ndiro riri kutevedzera zviri mubumbiro remitemo yebato.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG