Accessibility links

Breaking News

Dare Redzimhosva Roshorerwa Kutambira Zvakaitwa NeMauto


Va Dewa Mavhinga

Dare guru redzimhosva rinoti kutora masimba nechisimba kwakaitwa nemauto svondo rapera kuri pamutemo.

Vachitaura neChishanu mushure mekunzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nevesangano rakarwa hondo yerusununguko, mutongi Justice George Chiweshe, vakati zvakaitwa nemauto, achitungamirwa nemukuru wavo, VaConstantino Chiwenga, zvinobvumidzwa neChikamu 212 che bumbiro remitemo weZimbabwe.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Va Dewa Mavhinga, vanoti nyaya iyi haina kuziviswa kune veruzhinji uye haina kubatwa zvakanaka.

Va Mavhinga vanoti hapana akapiwa nguva yekutaura akamirira rimwe divi.

Hurukuro NaVa Dewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG