Accessibility links

Breaking News

VaJulius Malema Vanoshora Kuvharwa kweMabhodha eSouth Africa


VaJulius Malema
VaJulius Malema

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa muSouth Africa, re Economic Freedom Fighters, VaJulius Malema, vari kushora zvakasimba hurumende yenyika yavo mukuvhara kwayakaita mabhodha ayo makumi maviri ichiti iri kurwisana nekupararira kweCovid-19.

VaMalema vaudza vatori venhau kuti kuvhara mabhodha hakuna zvakunobatsira kunze kwekuwomesera vanhu vemunyika dzakavakidzana neSouth Africa.

Svondo rapera, mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vakazivisa kuti mabhodha makumi maviri avharwa, vachiti achavhurwa mwedzi unouya, waKukadzi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana naVaMalema nekuti zvave kuita sekuti chirwere cheCovid-19 chiri kuunzwa muSouth Africa nevanhu vanobva kuZimbabwe nevamwe vemunyika dzakapoteredza South Africa.

VaMalema vati kuvhara mabhodha kupedza nguva uye inzira yekuedza kufadza vechichena vari munyika nekunze sezvo vachibvumidzwa kupinda nekubuda muSouth Africa pavanodira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG