Accessibility links

Breaking News

Judiciary Service Commission Yoferefeta Nyaya yezvePabonde Iri Kupomerwa Mumwe Mutongi weDare


Judiciary Service Commission inoti yatanga kuferefeta nyaya yekuti kune mumwe mutongi wedare repamusoro akadana nemushandi ari pasi pake uyo anonzi akazoburitsa mifananidzo yemutongi uyu asina kusimira mushure mekunge aziva kuti ainge odanana nemumwezve mukadzi.

Kunyange hazvo Judiciary Service Commission isina kudoma mutongi uyu nezita, sangano renhau reZimLive, iro rakatanga kuburitsa nyaya iyi pachena, rakaburitsa zita remutongi uyu saJustice Thompson Mabhikwa vari kuBulawayo.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo rimwe sangano rinorwira kodzero dzemadzimai, reWomen’s Coalition of Zimbabwe, raburitsawo gwaro renyunyuto pamusoro pemashoko ari kuburitswa mumadandemutande ari kupomerwa mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi.

VaMohadi vari kunzi vari kudanana nevashandi vepasi vanoshandira muhofisi yavo pamwe nevamwe vavari kunzi vari kuita zvepabonde navo vachishandisa chinzvimbo chavo.

Sangano iri riri kukurudzira kuti VaMohadi vaferefetwe, uye kuti patorwe matanho akakodzera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG