Accessibility links

Breaking News

JSC Inoti Amai Elizabeth Gwaunza Vacharamba Vakabata Chigaro Chakasiyiwa naVaMalaba


Amai Elizabeth Gwaunza (c)
Amai Elizabeth Gwaunza (c)

Sangano reJudicial Services Commission rinoti ramirira nemutongo wedare repamusorosoro pamutongo wedare wakaendesa vaive mukuru wevatongi vematare edzimhosva,VaLuke Malaba, kumadyandigere nemusi weMugovera uye Amai Elizabeth Gwaunza, ndivo vacharamba vakabata matomu kudzamara nyaya dziri kumatare dzapera kunzwikwa.

Munyori muJudicial Services Commission, VaWalter Chikwanha, vati Amai Gwaunza, avo vaive mutevedzeri waVaMalaba, ndivo vakafanobata chigaro chemutongi mukuru wematare edzimhosva zvisinei nekupikiswa kuri kuitwa nehurumende kwemutongo wakapihwa nedare repamusoro.

VaChikwanha vati kunyange hazvo paine kupikisana pane zvinoreva mutongo weMugovera pamwe nekupikiswa kwemutongo uyu, ivo sesangano vakamirira kuti matare ape mutongo unotsanangura zvinofanirwa kuitwa.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo paUniversity of Zimbabwe, VaGreg Linnington, vaudza Studio 7 kuti zvisinei nenyaya dziri kumatare, bumbiro remitemo yenyika rinobuditsa pachena kuti VaMalaba vakasvika nguva yavo yekuenda kumudyandigere.

VaLinnington vati maonero avo ndeekuti VaMalaba vanoramba vari pamudyandigere kudzamara nyaya dziri kumatare dzapera kutongwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvemutemo huye vari mutungamiri webato rinopikisa reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti kukwidzwa kwenyaya iyi kudare repamusoro kunomisa mutongo wakapiwa nedare reHighCourt.

Asi imwe nyanzvi munezvemutemo, vachishanda neZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, vati kukwidzwa kwenyaya iyi kumatare ekumusorosoro hakuchinji mutongo wakapiwa nedare reHigh Court nemusi weMugovera.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinotiwo nyaya iyi ichanetsa kutonga sezvo vatongi vese vekumatare epamusorosoro eSupreme Court neConstitutional Court vakadomwa mumapepa akaendeswa kudare repamusoro nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum pamwe neYoung Lawyers Association of Zimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG