Accessibility links

Breaking News

Judicial Services Commission Inopikisa Mutongo weHigh Court paNyaya yaVaMalaba


Mutongi mukuru wematare vari kupikiswa kuramba vari pabasa VaLuke Malaba

Komisheni inopinza vatongi mabasa munyika yeJudicial Service Commission, inonzi nemusiweChina yakasvitsa kudare repamusorosoro reSupreme Court magwaro ayo ekupikisa mutongo wakaturwa nedare reHigh Court musi wa 15 mwedzi uno.

Mutongo uyu waimisa kuwedzerwa kwenguva yekushanda kwemukuru wevatongi vematare, Chief Justice Luke Malaba, avo vakasvitsa makore makumi manomwe ekurekwa svondo mbiri dzapfuura.

Danho ratorwa neJSC iri rinotevera kuburitswa kwegwaro rizere remutongo wakaturwa nevatongi vedare repamusoro vanoti Justice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Jester Charewa, avo vakanzwa nyaya yekupikiswa kwenguva yekugara pabasa kwaVaMalaba.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG