Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Anobvisiswa Mari yeChibatiso


Journalist Hopewell Chin'ono talks to Harrison Nkomo of Zimbabwe Lawyers for Human Rights, in the courthouse at Harare Magistrate’s Court, Jan. 9, 2021. (Columbus Mavhunga/VOA)
Journalist Hopewell Chin'ono talks to Harrison Nkomo of Zimbabwe Lawyers for Human Rights, in the courthouse at Harare Magistrate’s Court, Jan. 9, 2021. (Columbus Mavhunga/VOA)

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, apihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro nhasi pamhosva yaari kupomerwa yekutaura yekusambisa manyepo padandemutande.

Mutongi wedare repamusoro, VaDavison Foroma, vatura mutongo wekuti Chin’ono atongwe achibva kubva kumba kwake mushure mekunge abhadhara zviuru makumi maviri zvemadhora ari maRTGS semari yechibatiso uye kuti asavhiringidzane nevafakazi panyaya iyi.

Mumutongo wavo, VaForoma vati mutongi wedare ramejasitiriti, VaLanzini Ncube, vakakanganisa pavakatura mutongo wekuti paive nuhumbowo hwakasimba hunorovera Chin’ono vachiti zviri pachena mumagwaro ekufambiswa kwakaitwa nyaya iyi mudare ramejasitiriti kuti mupurisa aiferefeta nyaya iyi haana humbowo hunoniswa mvura hwaakasvitsa kudare.

Rimwe remagweta aChin’ono uye vachishanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaidamoyo Saurombe, vati vafara zvikuru kuti Chin’ono aburitswa mujeri.

Chin'ono anga ave nemazuva makumi maviri ari muhusungwa zvichitevera kusungwa kwaakaitwa musi wa7 Ndira. A

ka ndekechitatu achisungwa mukati memwedzi mitanhatu. Nyaya idzi dzichiri mumatare.

Zvichakadai, mumiriri weZengeza West muparamende uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala vasvitsawo chikumbiro kudare repamusoro chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nemutongi wedare ramejasitiriti, VaNgoni Nduna.

VaNduna vakanyima VaSikhala mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti munhu anogara achipara mhosva sezvo vakasungwa kakawanda.

Mutongi wedare repamusoro, VaTawanda Chitapi, vati vachatura mutongo wavo pachikumbiro ichi neMuvhuro svondo rinouya icho changa chichipikiswa nemagweta ehurumende.

VaSaurombe nemamwe magweta avari kushanda nawo panyaya iyi vasvitsa kudare kuti VaSikhala havanganzi ihoromori sezvo vasati vambobatwa nemhosva pose pavakasungwa.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva yakafanana neyaChin’ono yekutaura manyepo ekuti pane mwana ane mwedzi mipfumbamwe akafa mushure mekurohwa nemboma nemumwe mupurisa, izvo zviri kunzi nehurumende manyepo.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, vakasungwawo nenyaya iyi asi vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG