Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokurudzirwa Kusatora Mativi Mukuita Basa Ravo


Vatori venhau vanokurudzirwa kusatora mativi mune zvematongerwo enyika.
Vatori venhau vanokurudzirwa kusatora mativi mune zvematongerwo enyika.

Vamwe vanoti vatori venhau vanofanirwa kuita basa ravo nemazvo vasina mativi avanorerekera kuitira kuti veruzhinji vazive chokwadi chinenge chichiitika munyika.

Vazhinji vataura neStudio7 vanoti vatori venhau, kunyanya vanoshandira mapepa nhau nenhepfenyuro dzehurumende, vanofanirwa kuburitsa nhau vasina kwavakarerekera.

Mutori wenhau wemuChinhoyi, Dennis Kagonye, anoti zvakakosha kuti vatori venhau vasave nedivi ravanorerekera.

Kagonye anotiwo vezvematongerwo enyika havafanirwe kurambidza vamwe vatori venhau kuita basa ravo.

Mumwe mutori wenhau, Nhau Mangirazi, anoti vezvematongerwo enyika havadi vatori venhau vanonyora zvehuori zvavanoita uye vamwe vane rusarura pakati pevatori venhau vanoshandira hurumende nevemakambani akazvimirira panguva ino yesarudzo.

Mangirazi anoti anotadza kuenda kunzvimbo dziri kure sezvo makambani enhau asina zvekufambisa zvakakwana.

Kagonye anoti vatori venhau vasiri kufara nemari dzemihoro vanofanirwa kutsvaga rimwe basa pane kuita zvechioko muhomwe vari pabasa ravo.

Nyanzvi munyaya yezvekuburitswa kwemashoko, VaRashweat Mukundu, vanotiwo vatori venhau havafanirwe kuita zvehuori.

VaMukundu vanoti mapepanhau nenhepfenyuro dzehurumende havafanirwe kutora mativi vachitsigira divi rehurumende vachishoropodza nhengo nemapato anopikisa.

VaMukundu vanoti vatori venhau vanofanirwa kuburitsa zviri kushuvirwa nevanhu vakawanda munyika kuitira kuti avo vari kukwikwidaza musarudzo vazive zviri kudiwa nevanhu.

VaMukundu vanoti vatori venhau vanofanirwawo kuenda kunoshandira vari kumaruwa, kwete kungotora nhau mumaguta makuru chete.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaThabani Moyo, vanoti chikuru chakakosha ndechekuti vatori venhau vazive kuti hapana nhau inokosha kudarika hupenyu.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti zvakakosha kuti masangano anomirira vatori venhau akaita seMISA neZimbabwe Union of Journalists, ayeuchidze vatori venhau mashandiro akanaka vachitevedzera zvinodiwa uye zvinodzivirira kuzviisa panjodzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG