Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vaviri Vanonetswa neMapurisa Vachinzi Vari Kushanda Zvisiri paMutemo


VaPaul Nyathi Votaura Nezve Chirongwa Chavarikuita NeKanzuru yeHarare
VaPaul Nyathi Votaura Nezve Chirongwa Chavarikuita NeKanzuru yeHarare

Masangano evatori venhau anoti haasi kufara nekusungwa kwevatori venhau vari kuwanikwa vasina magwaro ekuita basa ravo gore rino.

Izvi zviri kuitika zvisineyi kuti hurumende yakaziviswa nezvekunonoka kupihwa kwevatori makadhi avo ebasa gore rino.

Mutori wenhau, Tinotenda Samkange, ambosungwa nhasi nemapurisa ange ari Roadblock yepaWarren Park achipomerwa mhosva yekushandisa kadhi rake rebase regore rapera.

Asi Samkange azoregedzwa mushure mekunge mapurisa aya audzwa nevakuru vawo kuti vatori venhau vane kodzero yekuramba vachishandisa matsamba avoa2019 na2020.

Zvaitika kuna Samkange zvakaitika zvakare nezuro kuKwekwe apo mapurisa akasunga mutori wenhau, Michael Magoronga, ari pabasa rekutora mufanidzo muguta iri.

Mapurisa aya akamupomera mhosva yekushandisa rezenesi rake rebasa ra2020.

Magoronga akachengetwa pakamba yeKwekwe Central akazoburitswa mushure mekunge mapurisa aive amusunga ataura nevakuru vawo.

Sangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe rashora kuita kwemapurisa richiti izvi zviri kuitika mushure mekunge ranyorera kumukuru wemapurisa richimuzivisa nezvedambudziko rekunonoka kupihwa matsamba ebasa kwevatori venhau neZimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC.

Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati haisi mhosva yevatapi venhau vachiti ZMC yakatotaura kuti bazi rezvekuburitswa kwemashoko ndiro rakanonoka kuzivisa mugwaro rehurumende mari dzinobhadharwa nevatori venhau kuti vapihwe matsamba ebasa.

Izvi zvakaitwa nemusi weChishanu chapfuura.

VaMoyo vati kutambudzwa kuri kuitwa vatori venhau kwave kuda kuti ZMC ironge kupa matsamba anoshanda kwenguva yakareba, kwete egore avari kupa.

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatiwo hazvina kunaka kushungurudza vatori venhau vachiti ZMC inofanira kupedzerana nemapurisa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko kuti izvi zvisarambe zvichiitika.

Zvichakadai sachigaro weZMC, Professor Ruby Magosvongwe, vaudza Studio 7 kuti zvatika izvi hazvifaniriri kuitika sezvo mapuurisa akaziviswa nezvedambudziko range riripo rekunonoka kupa matsamba egore rino kuvatapi venhau.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vatiwo vatoshamisika nezviri kutika vachiti vakuru vakuru vemapurisa mumatunhu ese munyika vakaziviswa nezvenyaya iyi.

Vatiwo vachaongorora kuti chii chakaitika panyaya yevatori venhau vaviri ava.

Vatori venhau vari kushandisa matsamba a2020 uye vamwe vari kushandisa a2019 sezvo ZMC yakatadza kuvapa matsamba a2020 mushure mekutanga kwedenda reCovid-19.

Mune imwe nyaya, chikumbiro chemutevedzeri wasachigaro weMDC Allaince, uye vari mumiriri weZengeza West mudare reNational Assembly, VaJob Sikhala, chekuti vatongwe vachibva kumba panyaya yavari kupomerwa yekufambisa manyepo pamandamutande, chatadza kunzikwa nhasi kudare repamusoro sezvo vachuchusi vati vange vasina kugadzirira.

Gweta raVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vati nyaya iyi yave kuzonzikwa mangwana, Chitatu.

VaSikhala vakanyimwa mukana wekubhadhra mari yechibatiso nedare ramajisitiriti.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva imwe chete nemutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vakaburitswa mujeri svondo rapera mushure mekubvisa zviuru gumi zvemadhora emuno semari yechibatiso.

Mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo ari kupomerwa mhosva yakafanana neye vaviri ava, akanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramajisitiriti uye akakwidza chikumbiro chake kudare repamusoro iro risati rapa mutongo waro panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG