Accessibility links

Breaking News

Sangano reYoung Journalists Association Ronyunyuta neKurohwa kweNhengo Yaro neMapurisa


Mapurisa anodzivirira mhirizhonga

Sangano rinomirira vatori venhau vechidiki, reYoung Journalists Association, rinoti riri kushushikana zvikuru nekwarinoti kushungurudzwa pamwe nekurohwa nemapurisa kwevatori venhau pavanenge vachiita basa ravo.

Izvi zvinotevera kurohwa nekukuwadzwa nemapurisa kunonzi kwakaitwa mutori wenhau ari kudzidzira basa rake achishanda nekambani yeAlpha Media Holdings, Ruvimbo Muchenje, muHarare neMugovera apo aive munzira kuenda kubasa kwake.

Mutauriri wesangano reYoung Journalists Association, Leopold Munhende, anoti Muchenje akapfuura nepairwisana mapurisa nevanotengesera mumigwagwa avo vanonzi vainyunyuta nekufa kwemumwe wavo, VaTafadzwa Tamangani, avo vakafa vari muhusungwa vachinzi vakanga vakuwadzwa nemapurisa.

Munhende anoti mapurisa akaona Muchenje akatakura kamera yake vakatanga kumupomera mhosva yekutora mifananidzo, vachibva vangotanga kumuzvindikita nemboma.

Aka hakasi kekutanga kuti vatori venhau vasangane netsaona dzekurohwa nemapurisa, sezvo iye Munhende ari mumwe wevatori venhau vakarohwa nemapurisa vachiita basa ravo.

Munhende anoti sesangano, vari kuronga kukwirira mapurisa kumatare edzimhosva.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi remapurisa panyaya iyi. sezvo nharembozha yemutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi yanga isingapindi.

Hurukuro naVaLeopold Munhende
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG