Accessibility links

Breaking News

Chikumbiro chaHopewell Chin'ono Chinoramba Kutambirwa neDare


Hopewell Chin’ono In Court May 26 2021
Hopewell Chin’ono In Court May 26 2021

Dare ramajisitireti rarasa nhasi chikumbiro chemutori wenhau ane mukurumbira munyika, Hopewell Chin’ono, chekuti mhosva yaari kupomerwa iraswe.

Dare iri rati mhosva yake achatanga kutongwa musi wa12 kusvika musi 14 Chikunguru.

Vachipa mutongo wavo nhasi, mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vati kunyange hazvo nyaya iri kupomerwa Chin’ono isina kujeka, ichajekeswa apo paachatongwa.

Rimwe remagweta aChin’ono, VaGift Mtisi, vati dare ichokwadi kuti dare harina kutambira chikumbiro chavo richiti huchapupu hwenyaya huchabuda paichatongwa nyaya iyi.

VaMtisi vati vabvumirana nevachuchusi kuti nyaya iyi itongwe muna Chikunguru.

Chin’ono, uyo achatongwa achibva kumba kwake mushure mekubhadhara mari yechibatiso, ari kuramba nyaya iyi achiti ikodzero yake semutapi wenhau kufambisa mashoko.

Chin’ono anonzi akakurudzira veruzhinji kuratidzira zvine mhirizhonga musi wa31 Chikunguru gore raperaachishandisa dandemutande rake reTwitter.

Anonzi akaita izvi pamwe naVaJacob Ngarivhume nevamwe vakaita semumiriri weZengeza West, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, avo vari kumatarewo nemhosva imwe cheteyo.

Mapurisa arambidza zvakare magweta aChin’ono kutaura nevatori venhau pasina chikonzero.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti zvinosuwisa kuti Chin’ono ava kutongwa nekuda kwebasa rake.

Zvichakadai, mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, asungwa nemapurisa uye pari zvino ari mumaoko emapurisa paHarare Central Police Station.

Moyo ari kubatsirwa nemagweta, Amai Beatrice Mtetwa naVaDougie Coltart, uye VaColart vaudza Studio7 kuti hazvisati zvajeka kuti Moyo asungirwei.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati tivabate mangwana panyaya iyi.

Zvichakadai VaMoyo, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kusiya vatapi venhau vachishanda vakasununguka.

Pataenda pamhepo Jeffrey Moyo ange achiri kukamba yemapurisa paHarare Central.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG