Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Hopewell Chin'ono, Anorambirwa Chibatiso neDare


Hopewell Chin’ono's At High Court4
Hopewell Chin’ono's At High Court4

Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, anyimwa nedare repamusoro mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuitira kuti atongwe achiba kumba kwake pamhosva yaari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga.

Mumutongo waverengwa namutongi VaWebster Chinamhora, uyo wakanyorwa naVaTawanda Chitapi, dare repamusoro ratura kuti Chin’ono haakodzere kubuditswa mujeri.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta raChin’ono, VaGift Mtisi.

VaMtisi vati vachatora matanho kana vachinge vanzwisisa zviri mumutongo uyu.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMisa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati matare anofanira kushanda asina divi raakarerekera vakakurudzira kuti hurumende yeZimbabwe idzokere pahutongo hwejekerere.

Chin’ono ari kupomerwa mhosva yekunzi akanyora padandemutande rake reTwitter achikuridzira kuti veruzhinji varatidzire zvine mhirizhonga mukati vachipandukira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Mutongo pachikumbiro chemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakadaidzira kuti munyika muratidzirwe musi wa31 Chikunguru, chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo wakatarisirwa kuturwa nedare reHigh Court mangwana zvichitevera kunyimwa kwavakaitwa mukana uyu nedare ramejesitiriti.

Zvichakadai, sangano reParadigm Initiative iro rinova mubatanidzwa wemasangano akawanda pasi rose anorwira kodzero dzevatori venhau, raburitsa gwaro richitsoropodza kusungwa kwaChin’ono.

Sangano iri rati kusungwa kwaChin’ono kunoratidza kuti hurumende yeZimbabwe iri kutyora bumbiro remitemo zvikurusei kodzero dzekutaura kwakasununguka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG