Zimbabwe iri kubatana nenyika dzose dzemuAfrica kucherechedza zuva reAfrica Day iro rinopembererwa musi wa 25 Chivabvu gore roga roga.
Zuva iri rinocherechedza kuumbwa kwesangano reOrganisation of African Union, iyo yave kunzi African Union, musi wa 25 Chivabvu, 1963.
MuZimbabwe zuva iri riri kucherechedzwa kuburikidza nekukumikidzwa kwechiumbwa chaMbuya Nehanda muHarare.
Iri izuva rinofanirwa kupembererwa nekuzivisa kubatana kweAfrica, kushanda pamwe, hunyanzvi, matambudziko pamwe nebudiriro.
Dingindira regore rino rakanangana nekusimudzira Africa kuburikidza netsika nenhaka, kana kuti “Arts, Culture and Heritage: Levers for Building the Africa we Want”.
Vaimbove mukuru we Zimbabwe Human Rights Association (ZimRights), VaOkay Machisa, vanoti zvakakosha chose kuti Zimbabwe ibatane nedzimwe nyika kucherechedza zuva reAfrica, asi nyika idzi dzinofanirwa kukoshesa kodzero dzevanhu vadzo.
Facebook Forum