Accessibility links

Breaking News

VaJob Sikhala Vanoti Vachange Vachiratidzirawo neMusi weChishanu


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, vanoti kuratidzira kwakarongwa kuitwa nemusi weChishanu, kuri kuenderera mberi kunyange hazvo vanga vachitungamira hurongwa uhu, VaJacob Ngarivhume, vari muhusungwa.

VaSikhala, avo vari kutsvagwa nemapurisa pamusoro pehurongwa hwekuratidzira uhu, vanoti hurongwa uhu huri kuenderera mberi, uye vachangewo vari pavanhu vachange vachiratidzira.

Asi mukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga, pamwe chete nevechidiki veZanu-PF, vanoti havasi kuzosiya kuratidzira uku kuchiitika.

VaSikhala, avo vanove zvakare mumiriri weZengeza West muparamende, havana kuudza Studio7 kuti vari kupi kunyange hazvo vati havana kuhwanda kubva kumapurisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG