Accessibility links

Breaking News

VaJob Sikhala Vanonyimwa Mukana Wekubvisa Mari Yechibatiso


Nhengo yeParamende, VaJob Sikhala, vachisvika padare redzimhosva

Mutevedzeri wa sachigaro ve MDC Alliance, VaJob Sikhala, nhasi vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaSikhala, avo vakavharirwa mu Chikurubi Maximum Prison, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekukurudzira vanhu kuratidzira nenzira inokonzera bongozozo.

VaSikhala varikuramba mhosva iyi.

Vachuchusi ve National Prosecuting Authority vaudza Jaji Ndebele kuti VaSikhala vasapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, vachiti VaSikhala vakambotiza vakavanda apo vaitsvakwa nemapurisa, naizvozvo vanogona kuita izvi zvekare.

Mutauriri wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbamwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti vachuchusi ava vaudza dare redzimhosva kuti VaSikhala vakange vari munhu waitsvakwa nemapurisa asi havana kuzvipira kumapurisa.

Vati, pamusoro paizvozvo, VaSikhala havakodzeri kupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Asi magweta aVaSikhala, anosanganisa VaJeremiah Bhamu, VaHarrison Nkomo naVaEric Matinenga, vashora mashoko evachuchusi vachiti VaSikhala vakatofonera mukuru wemapurisa vachiti vakanzwa kuti varikuvatsvaka apo vakaudzwa kuti havasi kutsvakwa, izvo zvinonzi zvakatsinidzirwa nerimwe gweta raVaSikhala, Amai Beatrice Mtetwa, avo vanonzi vakaenda kumapurisa vakaudzwa kuti VaSikhala havasi kutsvakwa nemapurisa.

Dare redzimhosva ratonga kuti VaSikhala vacharamba vari muhusungwa kuChikurubi kusvika musi wavachatongwa.

Zvichakadaro, mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uyo akapiwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso, amiswavo mberi kwedare redzvimhosva akaudzwa kuti adzoke kudare musi wa 19 Gumiguru, kana kuti October.

Magweta aChin’ono vaudza dare redzimhosva kuti panodzoka Chin’ono kudare iri, vanoda kuziviswa zuva richatongwa mhosva ya Chin’ono.

Pakarepo, mutungamiri we Zimbabwe National Students Union, (ZINASU), VaTakudzwa Ngadziore, vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita zviuru zviviri zvemadhora emu Zimbabwe kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG