Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kweMutevedzeri waSachigaro weMDC, VaJob Sikhala Kunotanga kuMasvingo


VaJob Sikhala avri kupomerwa mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pachigaro nechisimba.
VaJob Sikhala avri kupomerwa mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pachigaro nechisimba.

Magweta ari kumiririra mutevedzeri wasachigaro wemusangano weMDC, VaJob Sikhala, aisa chikumbiro chekuti mhosva yavari kupomerwa yekuda kupidigura hurumende nechisimba iraswe achiti VaSikhala havana mhosva yavakapara, apo kutongwa kwenyaya iyi kwatanga nhasi mudare repamusoro reHigh Court muMasvingo.

Amai Beatrice Mtetwa, avo vange vachitungamirira magweta aVaSikhala, vaisa chikumbiro ichi kune mutongi wedare VaGarainesu Mawadze, vachiti vachuchisi vakadoma mhosva isiriyo panyaya iyi yekuti vanoda kubvisa hurumende nechisimba ivo vakati vanoda kubvisa mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gore ra2023 risati rasvika.

Mai Mtetwa vati mhosva iyi haisiriyo nekuti kubvisa VaMnangagwa pachigaro hakusi kubvisa hurumende, sezvo VaMnangagwa vari voga vasiri hurumende.

Munyori wezvemutemo muMDC uye vari gweta, VaInnocent Gonese, vati chikumbiro chaiswa chichapuwa mutongo nemutongi wedare musi wa 14 Kukadzi gore rino.

Vachitaurawo padare apa rimwewo gweta, uye vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC, VaTendai Biti, vati kana mutongi akatenda chikumbiro chavo nyaya inenge yapera, asi chikarwambwa kutongwa kwenyaya kuno enderera mberi.

VaBiti vati chikamu 22 che Criminal Law Codification Act, chakanzi VaSikhala vakatyora, chakashandiswa zvisizvo nekuti zvakataurwa naVaSikhala kuMandadzaka kuBikita gore rapera hazvienderani nemhosva yavari kupomerwa.

Magweta anoti VaSikhala semunhu wezve matongerwo enyika ari nhengo yeparamende, anobvumirwa nemutemo kubvisa VaMangagwa pachigaro asi achitevedzera bumbiro remutemo. Asi vachuchisi vapikisa chikumbiro chemagweta aVaSikhala ichi achiti vaida kubvisa VaMnangagwa pachigaro nechisimba.

Zvichakadaro vatsigiri veMDC vaswera vachiita hwakiti nagonzo nemapurisa ayo anga achivadzinga padare iri.

Vatsigiri vakawanda ava vange vachiti vauya kudare kuzopa rutsigiro kune mutevedzeri wasachigaro wavo zvekuti vazadza imba inotongerwa mhosva zvekupfachukira.

Mutauriri weMDC, VaDaniel Molokele, vashoropodza mapurisa aya, ayo anga akapakatira zvombo uye aine motokari inodira mvura ine wunye hunovava.

Munyori anoona nezvegwara remusangano mubazi revechidiki muMDC, VaGodfrey Kurauone, vange vari mumwe vevamwe vadzingirirwa nemapurisa, vati mapurisa ari kutyora kodzero dzavo.

Izvi zvatsinhidzirwa nemumwe wevechidiki Muzvare Alaika Taimu, avo vati vange vauya kuzotsigira mumwe wavo murunyararo.

Mutauriri wemapurisa munyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyati, vaudza Studio 7 parunhare kuti havazivi nezvenyaya yekudzingwa kwevanhu padare nemapurisa iyi vachiti vatotanga kuinzwa nesu patavabvunza nezvayo.

Mutongi wedare VaMawadze vati vanoda mazuva akawanda kuti vanzvere chikumbiro chaitwa naMai Mtetwa nevamwe vavo chekuti VaSikhala varasirwe nyaya yavo ichi, vachiti vanozopa mutongo wavo musi wa 14 Mwedzi uno.

Nyaya ina Godfrey Mutimba
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG