Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mamombe Vodaidzwa Kuti Vamire Mudare raMajesitireti


Joana Ruvimbo Mamombe

Sangano remagwera anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, rinoti mumiriri weHarare West muparamende uye vari nhengo yeMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, vashevedzwa zvekare kudare ramejasitiriti uko vari kutarisirwa kumira nhasi mushure mekunge mapurisa asvitsa masamanisi kumagweta avo nezuro.

Rimwe remagweta avo, VaJeremiah Bamu (Bhamu), vanoti mapurisa haana kuvatsanangurira kuti chii chaita kuti Muzvare Mamombe vashevedzwe mudare uye kuti ndiani akaita kuti masamanisi avakapiwa anyorwe, kunze kwekungoti zvine chekuita nenyaya yavo iri kudare reHigh Court.

Muzvare Mamombe vakanzi nedare vavhenekwe hutano hwepfungwa dzavo mushure mekunge magweta avo ati vakanga vasingakodzeri kumira mudare vari zvavari.

Zvinonzi vanachiremba vakazoona kuti Muzvare Mamombe havakodzeri kumiswa pamberi pedare, izvo zvakaziviswa mudare musi wa 22 Gumiguru, uye vachinzi vanofanirwa kutanga varapwa.

Muzvare Mamombe vakambokandwa mujeri vachinzi varapwe varimo, asi dare repamusoro rakazotambira chikumbiro chemagweta avo chekuti varapwe vari kunze.

Muzvare Mamombe nevamwe vavo vavri veMDC Alliance vanoti Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri vakasungwa gore rinoti vakazivisa pasi rose kuti vakanga vapambwa vakanotochwa vari mumaoko emapurisa. Asi hurumende yakaramba kuti izvi zvakaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG