Accessibility links

Breaking News

VaJacob Mudenda Vanoti ZEC Ngaibatsire Mapato Anopikisa Kuita Sarudzo Dzavo


VaJacob Mudenda
VaJacob Mudenda

Mutauriri wedare reNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vanoti makakatanwa nekukunyuta kuri kuita vanhu musarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato ezvematongerwo enyika musarudzo anoburitsa pachena kuti veZimbabwe Electoral Commission (ZEC) vanofanira kuva nechekuita nesarudzo dzemapato aya kuti dzifambe zvakanaka.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neveElections Resource Centre (ERC) pamusoro pesarudzo dzegore rino, Advocate Mudenda vati ma primary elections ndiwo anoburitsa vanozokwikwidza musarudzo dzenyika uye kana akasafamba zvakanaka sarudzo hadzigoni kuitwa zvakajeka kana ma primary asina kuitwawo pajekerere.

VaMudenda vatiwo masangano anotya kudyiwa musarudzo ndiwo anowanzochema-chema sarudzo dzisati dzaitwa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu rapinda mumusangano uyu, VaTrust Maanda, vaudza Studio 7 kuti pfungwa yaVaMudenda yakanaka chose asi zvinonetsa kuti ZEC ikwanise kuitisa sarudzo dzemapato ese munyika nekuda kwekuwanda kwaakaita.

VaMaanda vatiwo ZEC inofanira kuramba yakazvimirira kwete kupindira munyaya dzesarudzo dzemapato ematongerwo enyika.

VaMaanda vati chiri kukonzera mutauro mumapato ezvematongerwo enyika inyaya yekuti haana mitemo yakajeka yekuita sarudzo dzawo.

Mukuru weERC, VaTawanda Chimhini, vati vanobvumirana naVaMudenda kuti sarudzo dzemapato dzinofanira kuitwa zvakajeka kuti sarudzo dzenyika dziitwewo zvakanaka.

VaChimhini vanoti sangano ravo rinoda chose kunge richiongorora sarudzo dzema primary emapato ezvematongerwo enyika asi hapana hwaro kana mutemo wekuti vaiite izvi vakachengetedzwa.

VaChimhini vanoti mapato ezvematongerwo enyika haadi kuongororwa kuti anofambisa sei sarudzo dzawo dzeketsvaga vachaamirira.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumapato makuru munyika eZanu PF neMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, umo mamuka mutauro nekuda kwenyaya yema primary.

MuZanu PF vazhinji vakasara vatsamwa uye vari kugunun’una nemafambisirwe akaitwa sarudzo idzi vachti pakaitwa chizivano nechikiribidi.

Nhengo dzeMDC-T dzinoti hazvina kujeka kuti sarudzo idzi dzichafamba sei.

MDC-T inotarisirwa kuita sarudzo dzema primary mangwana Mugovera pamwe nemusi weSvondo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG