Accessibility links

Breaking News

Iran Inorwisa Mizinda Inogara Mauto eAmerica muIraq


VaQasem Soleimani
VaQasem Soleimani

Iran yakakanda zvombo zvema ’missiles’ zvinopfuura gumi nezviviri kumizinda inogara mauto eAmerica mu Iraq neChipiri manheru.

Asi hazvisati zvazivikanwa kana paine mauto aurayiwa kana akuvadzwa.

Iran inoti yaita izvi senzira yekutsiva kuurayiwa neAmerica kwakaitwa General Qassem Soleimani svondo rapera.

Muzinda mukuru wemauto eAmerica, we Pentagon, pamwe chete nemuzinda wemutungamiri wenyika, weWhite House, yazivisa kuti haisi kuzotaura pamusoro penyaya iyi nevatori venhau sezvo mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vachataura kune veruzhinji..

VaTrump Asi vanyora paTwitter pavo kuti zvinhu zvese zvakanaka, vachiti vachataura kuvanhu pamusoro pezvenyaya iyi nemusi weChitatu.

Nhengo yeZanu PF muWashington DC, VaFrenk Guni, avo vari kutevera kufamba kuri kuita nyaya iyi nguva dzese, vanoti America inofanira kuziva kuti kana ikatanga hondo neIran, inofanira kuziva kuti hondo yacho haiperi sezvatiri kuona muIraq neAfghanistan.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG