Accessibility links

Breaking News

IOM Inoti Vanhu Vanodarika Zviuru Mazana Maviri Vakadzokera Kumusha neKuda kweKukanganiswa kweHupfumi neCovid-19 Munyika Dzavagere


Sangano reIOM rinoti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri vakadzokera kumusha kubva munyika dzavakanga vaenda mushure mekuomerwa nehupenyu nekuda kweCovid-19
Sangano reIOM rinoti vanhu vanodarika zviuru mazana maviri vakadzokera kumusha kubva munyika dzavakanga vaenda mushure mekuomerwa nehupenyu nekuda kweCovid-19

Sangano rinoona nezvekufamba kwevanhu kubva mune imwe nyika vachienda mune imwe, reInternational Organisation for Migration (IOM) rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri ezviuru zvadzokera kumusha kubva zvatanga denda reCovid-19 muna Kukadzi 2020 zvichitevera kuoma kwehupenyu munyika dzazvange zvaenda kunotsvaga mafuro manyoro.

Sangano iri rinoti richishanda pamwechete nebazi rezvehutano uye nemamwe masangano, vakakwanisa kubatsira vanhu vane chitsama kuburikidza nekuvawanisa hunyanzvi mune zvekurima, mari pamwe nezvimwe zvinodiwa muhupenyu hwemunhu kuitira kuti vakwanise kusimukira.

Asi IOM inoyambira kuti kana vanhu ava vakasawana rubatsiro nekukasika, vakawanda vavo vachanyura mumatambudziko akadzama kudarika avari kutarisana nawo pari zvino, izvo zvinozotuma vamwe kuti vatsvage nzira dzekurarama nadzo dzisiri pamutemo kana kuti vabude zvakare munyika vachishandisa dzimwe nzira.

Studio 7 yaedza kubata gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, Professor Paul Mavima, asi vati vanga vari mudare reparamende vachiti vaizopindura mibvunzo yedu kana vasununguka.

Asi sachigaro vesangano rinomirira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zviri muSouth Africa, reAfrican Diaspora Forum, Doctor Vusumuzi Sibanda, vanoti havafungi kuti huwandu hwevanhu huri kutaurwa neIOM ndehwe vanhu vakadzokera kumusha nekuti vakanga vaomerwa nehupenyu.

Doctor Sibanda vanoti vanhu vakawanda vanogona kunge vakashandisa mukana wekumbodzokera Covid-19 kuti vasanetseke kupinda munyika, asi vachizobuda zvakare vachishandisa dzimwe nzira.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG