Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inokoka Nyika Zhinji Kuzoongorora Sarudzo Dzayo


Nyika dzeEuropean Union dzakasheyedzwawo kuzoona sarudzo ichiitwa muZimbabwe

Hurumende yeZimbabwe yakoka nyika dzinopfuura makumi mana nenhanhatu uye masangano ari mumatunhu akasiyana siyana muAfrica nekunze anopfuura gumi nemashanu kuti azoongorora sarudzo dzichaitwa muZimbabwe gore rino.

Aka ndekekutanga kubva muna 2002 kuti Zimbabwe ikoke dzimwe nyika nemasangano akawanda kudai.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti izvi hazvina zvikuru zvazvinoreva nekuti vanhu veZimbabwe ndivo vega vanogona kutaura kana sarudzo dzaitwa nenzira yakanaka kana kuti kwete.

Imwe yenyanzvi idzi uye vachishanda neCrisis In Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti vanobva kune dzimwe nyika havaoni zvinhu zvidiki zvinogona kukanganisa sarudzo muAfrica sezvakaitika kuKenya uko vakati sarudzo dzakange dzaitwa nenzira yakanaka asi matare edzimhosva akazotonga kuti sarudzo dzidzokororwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG