Accessibility links

Veruzhinji Vofarira Kushandiswa kweEcocash Vachibhadhara Mari dzeTollgate Fees


Veruzhinji kusanganisira vatyairi vedzimotokari vanoti vari kufara zvikuru nechirongwa chekushandisa Ecocash senzira yekubhadhara mari pama tollgate ari mumigwagwa sezvo mari iri kunetsa kuwana munyika.

Mumwe wevanhu vari kufarira chirongwa chaparurwa nhasi ichi, VaFungai Gutu, vati zvirinyore kushandisa Ecocash sezvo mari iri kunetsa kuwana munyika.

VaGutu vatiwo chirongwa ichi chinoitawo kuti veruzhinji vasafamba vakatakura mari zhinji.

Mumwe mugari wemuHarare, VaTawanda Karombo, vatiwo kubhadharwa kwema tollgates neEcocash kunorerutsa hupenyu hweveruzhinji panguva iyo kuwana musvo wemari kuri kunetsa.

Asi VaKarombo vatiwo tarisiro yavo ndeyekuti kushandiswa kweEcocash uku kuitwe pama tollgates ese.

Pari zvino Ecocash iri kushanda pamatollgates gumi nemanomwe, kubva pama tollgate makumi maviri nematanhatu.

Mufaro una VaKarombo nevamwe vanhu munyika uripo zvichitevera chirongwa chaparurwa nhasi neEcocash neZinara chekuti vanhu vange vachibhadhara mari nenzira yakadai.

Mukuru weEcocash mukambani yeEconet Wireless, Amai Natalie Jabangwe-Morris, vatiwo vedzimota vanofanirwa kungonyoresa motokari dzavo paEcocash wallet kuti vatange kushandisa Ecocash pama tollgates.

Sachigaro webhodhi reZinara, VaAlbert Mugabe, vatiwo vane chivimbo chekuti kubatana kwavo neEcocash zvicharerutsira vafambi panguva iyo mari iri kunetsa munyika.

VaMugabe vati kunetsa kuri kuita mari kwange kwodzikisirawo mari yavari kuwana pamatollgates.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekutakurwa kwezvinhu, VaDexter Nduna, vaudza Studio7 kuti zvaitwa neEcocash neZinara zvinozadzisa hurongwa hweZimAsset hunokurudzira kuti nyika ifambirane nenguva nekushandisa humhizha hweICT.

Mamwe ema tollgates ave kushandisa Ecocash anosanganisira reEskbank ne Umguza nzira yekuenda ku Victoria Falls.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG