Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuvharwa kweMasaisai Yonzwikwa muDare reHigh Court


Kuvharwa kwemasaisai kwakatadzisa vanhu vakawanda kushandisa madandemutande panharemhozha kana pamakombiyuta avo.
Kuvharwa kwemasaisai kwakatadzisa vanhu vakawanda kushandisa madandemutande panharemhozha kana pamakombiyuta avo.

Dare redzimhosva repamusoro reHigh Court riri kutarisirwa kunzwa nyaya yekuvharwa kwemasaisai nehurumende yakakwidzwa kudare iri nemasangano anorwira kodzero dzevanhu maviri anoti reZimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe nereMedia Institute for Southern Africa-Zimbabwe.

Masangano maviri aya akakwirira hurumende kudare iri achiti kuvharwa kwakaitwa masaisai pamwe nemadandemutande ose nehurumende kutyora bumbiro remitemo.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kunzwikwa nemutongi Justice Owen Tagu.

Vakakwirirwa dare vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvevasori, VaOwen ncube, mukuru wevasori, POTRAZ, Econet Wireless Zimbabwe, NetOne, pamwe neTelecel.

Nyanzvi mukufambiswa kwemashoko, uye vari chizvarwa chezimbabwe, VaAnesu Masube, vanoti masangano aya ane kodzero yekuenda kumatare edzimhosva sezvo vana veZimbabwe vakatambura zvikuru nekuda kwedanho rekuvhara masaisai iri.

Asi VaMasube vanoti havaone zvavo paine chinobuda kumatare sezvo vanodzika mitemo yacho kumatare vari ivo vari kuvhara masaisai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG