Sangano reInternational Organization for Migration, IOM, svondo rino rakaparura chirongwa charo chekutsigira vanorarama nekutenga pamwe nekutengesera kunze kwenyika vari mune dzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica, avo vanonzi raramo yavo yakakanganiswa zvakanyanya nedenda reCovid-19.
Chirongwa ichi, icho chinonzi "Supporting Informal Cross Border Traders in Southern Africa to Do Business Safely in the Covid-19 Pandemic", chakaparurwa neChipiri kumuganhu wenyika weChirundu uye musvondo riri kuuya iri chiri kuendeswa kumuganhu weBeitbridge.
Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reIOM muZimbabwe, Amai Fadzai Nyamande-Pangeti, vanoti sangano ravo riri kutsigirwawo muchirongwa ichi nebazi rezvebudiriro yekunze kwenyika muBritain, reForeign Development Office, uye vari kushandawo nemahofisi eIOM munyika dzinoti Zambia, South Africa, neMalawi.
IOM inoti vanoita zvekutengesa munyika dzakasiyanasiyana ava vanounza mari inosvika mabhiriyoni gumi nemanomwe nemamiriyoni mazana matanhatu, kana kuti US$17.6 billion pagore.
Amai Nyamande-Pangeti vanoti chirongwa chavo ichi chinobatsira vanotengesa ava nezvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekuzvidzivirira kubva kuCovid-19.
Vanoti vanoshandawo nemamwe mapazi ehurumende anosanganisira bazi remadzimai, sezvo vachiona kuti vanhu vanonyanya kuita mabhindauko ekutenga nekutengesera kunze kwenyika aya vanhukadzi.
Facebook Forum