Accessibility links

Breaking News

Vakambotochwa Voungana kuNyanga Vacherechedzwa Zuva Ravo Pasi Rose


26 Chikumi izuva rekucherechedza vakatochwa pasi pose

Masangano anorwira kodzero dzevanhu abatana mukucherechedza zuva revanhu vakatochwa pasi rose, re Intenational Day In Support of Victims of Torture - muhurongwa hwaitirwa kuNyamaropa, kuNyanga, mudunhu reManicaland.

Vanhu vanopfuura mazana matatu nemakumi matanhatu vakambotochwa vaungana vachirangarira zuva iri.

Izvi zvaitwa muhurongwa hwanga huchikokerwa nemasangano anosanganisira Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Zimbabwe Peace Project, Counselling Services Unit, pamwe neZimbabwe Political Victims Foundation Trust.

United Nations yakatara muna 1997 kuti zuva iri richerechedzwe gore rega rega nemusi wa 26 Chikumi.

Vanoona nezvekurongwa kwezvinhu muZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaTafadzwa Christmas, vanoti dambudziko guru riripo nderekuti Zimbabwe haisati yaisa ruoko rwayo pachiga che United Nations chinorambidza kutochwa kwevanhu pasi rose.

“Isusu tinofunga kuti munhu anenge asangana nedambudziko rekutochwa anofanira kupiwa betsero yekuti agone kumira pachezvake zvekare nokuti kazhinji vanhu vanenge vakasangana nedambudziko vanosara vaine kusurukirwa kwakanyanya nokuti vanosara vasisagone kuita zvinhu sevamwe,” VaChristmas vakaudza Studio 7.

Vanotizve nyaya yekuti Zimbabwe haina kuisa ruoko rwayo pagwaro rinorambidza kutochwa kwevanhu, zvinonetsa kugadzirisa kodzero dzevakambotochwa nekuti bumbiro remitemo yenyika haritauri zvakajeka pakurambidza kutochwa kwevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG