Hurumende neChipiri yakazivisa kuti yabvisa mutemo unorambidza kufamba kwevanhu pakati pemaguta nemadhorobha, uyo wakanga wadzikwa muna Kurume pakaparurwa chirongwa che national lockdown senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica vakaudza vatori venhau pamusangano wemakurukota kuti vemabhazi nemichovha vanenge vachida kuzotakura veruzhinji vanofanirwa kunyoresa nebazi rezvekutakurwa kwezvinhu kuitira kuti vaonekwe kuti vari kutevera here mutemo wekutakurwa kwevanhu unoenderana nezvisungo zvaWorld Health Organisation W-H-O pamwe nemitemo ine chekuita neCovid-19.
Izvi zvichaitawo kuti mahofisi eV-I-D avhurwewo, zvichapawo mukana vanenge vachida kutorawo marezinesi ekutyaira nezvimwe.
Hurumende yakazivisawo nezvehurongwa hwekuda kuvhurawo mahofisi ekwamudzviti ayo akanga avharwawo nekuda kwechirwere ichi.
Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Dr. Gilson Mandigo vanoti hurongwa hwekubvumidza kufamba zvakare kwevanhu mumaguta nemadhorobha hwakanaka chose, asi panofanirwa kutorwa matanho ekuona kuti mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere yateverwa zvakasimba sezvo vanhu vachizogona kumanikidzana mumabhazi nemunzvimbo dzinokwirirwa mabhazi aya.
Facebook Forum