Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Yawana Dzimwe Nzvimbo Dzine Mangoda


Hurumende inoti kune dzimwe nzvimbo nhatu munyika ku Binga, Masvingo ne Tsholotsho dzakawanikwa mangoda mazhinji.

Izvi zvakaburitswa negurukota remighodhi, Va Obert Mpofu, neSvondo. Va Mpofu vakaudza bepanhau re Sunday Mail kuti hurumende iri mushishi kugadzirisa chikwata chevanhu vachanoongorora huwandu hwemangoda aya.

Vati izvi zvichazoita kuti Zimbabwe ive nyika huru inochera mangoda pasi rose. Hatina kukwanisa kubata Va Mpofu kuti vanyatsotsanangure pasvika chirongwa chemangoda munzvimbo itsva idzi.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vanoti mangoda aya haasi kuzochinja hupenyu hwezvizvarwa zve Zimbabwe.

XS
SM
MD
LG