Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotengesa Mangoda ekwaMarange neChitatu


Gurukota remigodhi, Va Obert Mpofu, vanoti vakawirirana negurukota remari, Va Tendai Biti, kuti mangoda aya kana achinge atengeswa, Zimbabwe Mining Development Corporation inofanirwa kuona kuti mari iyoyo yapinda muhomwe yenyika.

Hurumende inoti yagadzirira zvese zvinodiwa kuitira kuti mangoda ekwa Marange atengeswe zviri pamutemo nemusi weChitatu.

Zvikwata zvitatu zve Kimberly Process zviri munyika svondo rino kuzoita ongororo panyaya yemangoda, uye kutengeswa kwawo.

Nhumwa yeKP, Va Abbey Chikane, vachange vachiona kutengeswa kwemangoda aya.

Gurukota remigodhi, VaObert Mpofu, vanoti vakawirirana negurukota remari, Va Tendai Biti, kuti mangoda aya kana achinge atengeswa, Zimbabwe Mining Development Corporation inofanirwa kuona kuti mari iyoyo yapinda muhomwe yenyika.

Va Mpofu vanoti mari iyi ichabatsira zvikuru mukubhadhara vashandi vehurumende, kugadzirisa migwagwa nezvimwe zvakadaro. Va Mpofu vanotizve vamwe vari muchikwata ichi vachange vachiita ongororo yekutarisa kuti hwaro hwakatarwa ku Namibia hwekuti Zimbabwe ichere nekutengesa mangoda zviri pamutemo, huri kutevedzerwa nemazvo here.

Va Charles Mangongera vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika. Va Mangongera vanoti vanotarisira kuti pave paine hwaro hunoita kuti mari ichawanikwa ibatsire nyika nechimbi chimbi.

Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaomarara zvichetevera kuparara kwakaitika hupfumi hwenyika apo VaMugabe nebato ravo reZanu PF, vange vari ivo chete vaitonga.

Zimbabwe inoti inoda mari inosvika mabhiriyoni gumi emadhora ekuAmerica kuitira kuti ivandudze hupfumi hwenyika

XS
SM
MD
LG