Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Haisati Yatara Kuchatambira Bhora North Korea


Gurokota rezvekushanyirwa kwenyika, Va Walter Mzembi, vanoti hurumende haisati yatara kuti chikwata chenhabvu cheku North Korea chichatambira kupi mitambo yacho yegadziriro yemakwikwi e 2010 World Cup Soccer.

Izvi zvinotevera nyaya dziri kubuda mumapepanhau akasiyana siyana ayo anoti VaMzembi vamisa mitambo yange ichifanirwa kutambirwa kuBulawayo uko kune vanhu vari kuvimbisa kubvongonyodza mitambo iyi sezvo vasiri kufara nekuuya kweNorth Korea muguta iri.

North Korea inonzi ndiyo yakadzidzisa masoja ayo ayo akashandiswa mukuuraya zviuru nezviuru zvevanhu muMatebeleland neMidlands panguva yegukurahundi.

Asi VaMzembi vanoti vanhu vari kuita pfungwa dzakai, havan pfungwa dzebudiriro.

XS
SM
MD
LG