Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inodzoserwa Kodzero dzeKuvhota muIMF


Sangano reInternational Monetery Fund radzorera neChishanu Zimbabwe masimba ayo ekuvhota mushure mekumbobviswa kwemasimba aya muna 2003.

Asi sangano reIMF rinoti Zimbabwe haisi kuzokwereteswa imwe mari kusvika yabhadhara chikwereti chemari inosvika US$1,3 billion.

Gurukota rezvamari, VaTendai Biti, vakaudza Studio7 kuti Britain, Germany neAmerica, dzakange dzabvuma kuti hadzaizodzivisa Zimbabwe kuti isadzorerwa masimba ekuvhota.

VaBiti ndivo vange vakamirira Zimbabwe kumusangano weBoard yeIMF uyu.

Kubva zvakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe yakatanga kubhadhara zvishoma chikwereti chayo kuIMF, icho chinosvika US$137m.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kunyange hazvo Zimbabwe isiri kukwereteswa mari, zvakakosha kuti iwane masimba ekuvhota.

Nyanzvi idzi dzinoti zvinoratidza kuti IMF iri kufarawo nemabasa ehurumende yemubatanidzwa pakuedza kugadzirisa nyaya yehupfumi.

XS
SM
MD
LG