Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inosimudzirwa Ku Hollywood


Firimu iri rine chizvarwa chemuZimbabwe chakaremara chikazobudirira munyaya dzekuimba mushure mekunge chaenda ku chikoro che hurumende chevakaremara che King George VI ku Bulawayo.

Zimbabwe nezuro yakasimudzirwa ku Hollywood uko nyanzvi munyaya dzemafirimu dzaipihwa mibairo ye ma Oscars. Firimu rinonzi ‘Music by Prudence’ rakawana mubayiro mukuroi nezuro.

Firimu iri rine chizvarwa chemuZimbabwe chakaremara chikazobudirira munyaya dzekuimba mushure mekunge chaenda ku chikoro che hurumende chevakaremara che King George VI ku Bulawayo.

Producer wefirimu iri, Amai Elinor Burkett, vanoti vari kufara kuti Zimbabwe yakurudzirwa kuburikidza nefirimu iri rinoratidza kuti kunyange munhu akaremara, anogona kuita zvinhu zvikuru mu hupenyu.

Amai Buckett vati vari kudzokera kuBulawayo svondo rinouya uko vachanopemberera mubairo we Oscar pamwe chete nevana vepa King George VI vari mubhendi riri mufirimu iyi vhiki rinouya.

XS
SM
MD
LG