Accessibility links

Breaking News

Global Fund Inopa Zimbabwe US$180m yeKurwisa HIV/AIDS, Malaria neTB


Zimbabwe iri kutarisirwa kushandisa mari inoita US$180m yakabva kusangano re Global Fund.

Mari iyi ndeye muchikamu chichisere, kana kuti Round Eight – Phase One. Mari iyi ichashandiswa mukurwisa HIV/AIDS, Malaria neTB.

Vamiriri veZimbabwe neGlobal Fund vakanyorerana kushandiswa kwemari iyi muGeneva, kuSwitzerland musi wa 6 Mbudzi.

Muchikamu chechisere, Zimbabwe iri kupihwa mari inodarika US$484 million iyo ichashandiswa kwemakore masere, mari iyi ichipihwa pagore rega rega. Pamari iyi, US$84,64 million ichaiswa muzvirongwa zveHIV/AIDS mugore ra 2010, kubva pamari inoita US$294,6 million inofonirwa kushandiswa mumakore mashanu.

Gore rinouya Zimbabwe ichashandisa mari inoita US$67,08 million mukudzivirira chirwere che malaria, kubva pamari inoita US$135 million inofanirwa kushandiswa mumakore mashanu.

Chirwere cherurindi, kana kuti TB, chichawanawo mari inoita US$28,2 million, kubva pamari inosvika US$54,6 million inofanirwa kushandiswa mumakore mashanu.

Mari yakanyoreranwa muna Mbudzi kuti ichashandiswa mugore rekutanga muchikamu chechisere inoita US$179,959,142 kubva pamari ionita US$484,255,996 inofanirwa kushandiswa mumakore mashanu.

Mari yapihwa Zimbabwe neGlobal Fund inouya masvondo mashoma, sangano iri rapa zvakare Zimbabwe mari yemuchikamu chechishanu, Round Five - Phase One, inoita US$35,931,159 iyo inofanirwa kushandiswa mukati megore rimwe chete. Muchikamu ichi Zimbabwe yakapihwa mari inoita US$62,5 million iyo inofanirwa kushandiswa mukati memakore mashanu.

Asi mari iyi yakanonoka kupihwa Zimbabwe zvichitevera kunyunyuta kweGlobal Fund pamusoro pemabatirwo emari yayo yayaibatsira nayo zvirongwa zvemuZimbabwe.

Hukama hweZimbabwe neGlobal Fund hwakamboshata mushure mekunge banga guru renyika, rashandisa mari dzakanga dzabva kusangano iri zvisiri pamutemo. Banga iri rakazodzosera mari iyi, izvo zvakazopa kuti Zimbabwe ikwanise kuwana rubatsiro rwemari yemuchikamu chechisere.

Panhoroondo yemari dzinobva kuGlobal Fund, Zimbabwe yakwanisa kuwana rubatsiro rwemari yemuchikamu chekutanga, kana kuti Round One, inoita US$22,659,911. Mari iyi inonzi haina kubatwa zvakanaka neZimbabwe, izvo zvakapa kuti Global Fund isatambire chikumbiro che Zimbabwe muzvikamu zveRound Two, Round Three, Round Four, Round Six ne Round Seven.

Gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti bazi ravo riri kufara nekuti mari iyi ichafambisa zvirongwa zvehurumende zvikuru sei mukuwedzera huwandu hwevanhu vari kupihwa mishonga yemapiritsi anoderedza hukasha hwemarwadzo anokonzerwa nechirwere chemukondomera, kana kuti ARVs nezvimwewo zvirwere.

VaMadzorera vanoti zvinhu zvizhinji hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehutano nokudaro mari iyi ichabatsira zvikuru. VaMadzorera vanoti vanotarisira kuti mamwe masangano anobatsira, acharamba achibatsira Zimbabwe kudzamara zvinhu zvanaka.

XS
SM
MD
LG