Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Ndiyo Ine Zvizvarwa Zvakawanda Zvinoshanda Zviri paMutemo muBotswana


Zvizvarwa zveZimbabwe zvakazara kuBotswana kumabasa
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakazara kuBotswana kumabasa

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zviri pamutemo muBotswana zvakawandisa kudarika zvirwara zvedzimwe nyika zviri munyika iyi.

Gwaro rakaparurwa neStatistics Botswana rinoratidza kuti zvikamu makumi mashanu nechimwe nechidimbu zvevanhu ava zvizvarwa zvekuZimbabwe.

Vanhu vemuZimbabwe vakapihwa mvumo yekushanda munyika iyi vanosvika zviuru zviviri nemazana masere ane makumi matanhatu nevaviri, kubva pazviuru zvishanu nemakumi matanhatu nemumwe chete vasiri zvizvarwa zveZimbabwe.

Asi gwaro iri rinoratidza kuti huwandu hwevanhu vasiri zvizvarwa zveBotswana vane mvumo yekushanda munyika iyi hwaderera nezvikamu zvitatu nechimwe kubva muzana.

Kuderera uku kunotevera mutemo wakadzikwa neBotswana gore rakapera senzira yekuderedza huwandu hwevanhu vekune dzimwe nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvemabasa nevashandi, uye vachidzidzisa pa Botswana Accountancy College, VaNorman Mushayabasa, vanoti kugona basa kwezvizvarwa zveZimbabwe, izvo zviri kutiza munyika nepamusana pemamiriro ezvinhu munyaya dzehupfumi, ndiko kunoita kuti huwandu hwavo huve pamusoro.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaBusani Vuma-Moyo, vanoti vari muBotswana nokuda kwenzara yanga yapfunya chisero kumusha kwavo kuLupane nokuda kwekushaikwa kwemabasa.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTarisai Mudazvevamwe, vanotiwo mamiriro ehupfumi muBotswana, nekuva muwakidzani weZimbabwe, ndiko kunoita kuti zvizvarwa zweZimbabwe zvipinde munyika iyi.

Kunyange hazvo vanhu vemuZimbabwe vari vanhu vakadzidza, VaDzidzai Bere, vanoti vamwe vanhu vekuZimbabwe vari muBotswana umo vari kuita mabasa akaita sekufudza mombe.

Botswana inyika ine vanhu vanosvika mamiriyoni maviri nemazana matatu ezviuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG