Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inonzi Ine Zvakawanda zvekuDzidza Kubva Musarudzo dzekuZambia


VaHakainde Hichilema

Mutungamiri webato guru rinopikisa muZambia reUnited Party for National Development kana kuti UPND ndivo vakunda musarudzo dzemutungamiri wenyika yeZambia vachikunda mutungamiri wenyika iyi VaEdgar Lungu.

VaHichilema vakawana mavhoti anodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2, 8 million vachibva vadarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50 point 1 percent zvinodiwa kuti munhu akunde musarudzo.

VaLungu vange vachitevera vawana mahoti anodarika miriyoni imwe chete nezviuru zvisere kana kuti 1, 8 million. Sarudzo dzemuZambia dzange dzakatariswawo nevakawanda muZimbabwe nedzimwe nyika.

Masangano anoongorora sarudzo, ezvematongerwo enyika pamwe nevanhuwo zvavo muZimbabwe vanoti vadzidza zvakawanda kubva musarudzo dzemunyika yeZambia. Mumwe wechidiki afarira kupinda kwaVaHichilema panyanga ndiVaRaphel Munjodzi avo vanoti vechidiki vapihwa chitsvambe nevanhu vekuZambia chekuvhota nehuwandu hwavo sezvakaitika kuZambia.

VaMunjodzi vanoti chimwe chakavafadza ndechekuti bazi rinoona nezvesarudzo muZambia rakaratidza kuti ranga risina kurerekera kumapato ezvematongerwo enyika.

Mutauriri weMDC T VaWitness Dube vanoti zvaitwa kuZambia zvinodzidzisa mapato kuti kana vasingagone kutonga vanogona kubviswa nevanhu zvisina mhirizhonga.

Munyori anoona nekudyidzana nedzimwenyika mubato rinopikisa reMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatswayo mukukorokotedza VaHichilema vati kukunda kwavo chidzidzo chikuru kuhutongi hwehumbimbindoga hwavanoti huri kuitwa munyika dzakaita seZimbabwe neSwaziland.


Muzvare Hlatswayo vanoti nyika yeZambia yaratidza pasi rose kuti masimba anogona kugamuchidzanwa pasina anorambira pachigaro.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoongorora sarudzo munyika reElection Resource Centre –ERC-VaSolomon Bobosibunu avo vari kuZambia vanoti Zimbabwe inofanirwa kudzidza kuti sarudzo dzinokwanisa kuitwa kunyange kuine denda reCovid-19.


VaBobosibunu vanoti chimwe chinhu chakakosha chinofanirwa kudzidzwa neZimbabwe, kubuda pachena pamusoro pekunogadzirwa mapepa ekuvhota kana kuti ballot papers uye kuti mangani anenge apinda munyika.

Vatiwo bazi rinoona nezvesarudzo reElectoral Commission of Zambia rakakoka mapato ose akapinda musarudzo kuenda kunyika yeDubai kwaigadzirwa mapepa ekuvhota.

Sachigaro werimwe sangano rinoongorora sarudzo munyika reZimbabwe Election Support Network-ZESN-iro rakatumira nhengo dzaro kunoongorora sarudza kuZambia, VaGeorge Makoni vanoti vakafadzwa zvikuru nemabatiro akanaka akaita mapurisa ekuZambia basa ravo.

Hatina kunzwa divi reZanu PF panyaya yesarudzo dzekuZambia sezvo mutauriri webato iri VaSimon Khaya Moyo vanga vasingadavire mbozvanhare yavo.

Asi munyori mukuru webazi rekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter vachikorokotedza VaHichilema nebato ravo nekupihwa rutsigiro nevanhu vemuZambia.

Mutungamiri wenyika yeZambia VaEdgar Lungu vePatriotic Front vakorokotedza VaHichilema vakati vachaita zvose zvinodikanwa nemutemo kuti vatambidze masimba murunyararo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kutambidzana masimba murunyararo kwakanakira hutongo hwejekerere kwete kuda kurambira pachigaro zvinonzi zvaida kuitewa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump.

Izvi zvakaitika muZimbabwe mugore ra2008 apo vakuru vemasoja vakapika kuti havaizopa masimba kuna mushakabvu Morgan Tsvangirai vebato reMDC kunyange vakakunda mushakabvuRobert Mugabe musarudzo.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG