Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva Rerunyararo Madzimai Makumi Masere Ari Mujeri


Sangano re Heal Zimbabwe Trust nemamwe masangano akazvimirira nhasi vaungana muHarare Gardens vachicherechedza zuva ranhasi, ndokuzoendesa gwaro rine pfungwa dzevanhu vakarasikirwa nehama dzavo uye vakambunyikidzwa kuburikidzwa nemhirizhonga yezvematongerwe enyika yakaitika mumakore gumi apfuura kubazi remitemo nerekupodzwa kwemaronda

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika pasi rese mukuranganirira zuva rerunyararo kana kuti World Peace Day. Masangano akazvimirira ega nehurumende vanga vaine hurongwa hwakasiyana siyana mumatunhu mazhinji munyika. Gurukota rezvekopodzwa kwemaronda nekugarisana zvakanaka, Amai Sekai Holland, vati hurumende yakaisa vhiki rino rese kuti nyika icherechedze zuva iri.

Amai Holland vati hurumende ine zvirongwa zvakawanda kuedza kupodza maronda evanhu vakashungurudzwa nenyaya dzezvematongerwe enyika.

Sangano re Heal Zimbabwe Trust nemamwe masangano akazvimirira nhasi vaungana muHarare Gardens vachicherechedza zuva ranhasi, ndokuzoendesa gwaro rine pfungwa dzevanhu vakarasikirwa nehama dzavo uye vakambunyikidzwa kuburikidzwa nemhirizhonga yezvematongerwe enyika yakaitika mumakore gumi apfuura kubazi remitemo nerekupodzwa kwemaronda.

Va Rashid Mahiya ndivo director ve Heal Zimbabwe Trust. Vati vakabatwa batwa nenyaya yemhirizhonga vakatanga kuwungana kumusangano nezuro mu Harare vachizosanganazve nhasi kuti vape zvichemo zvavo nezvido zvavo kuhurumende iri kutungamira nyaya yekupedzwa kwemaronda.

Zvichakadaro, mapurisa nezuro akasunga nhengo dze WOZA dzinosvika makumi masere neina mushure mekunge dzaratidzira muHarare zvisina mvumo.

Mapurisa anonzi akatanga asunga madzimai maviri, vamwe vavo makumi maviri nevatatu ndokubva vajambira mumotokari yemapurisa, vachiti vasungwewo nevamnwe vavo. Vamwe vacho vanonzi vakaenda kukamba yemapurisa vachiratidzira, izvo zvakazoita kuti vose vasungwe pasi pemutemo we criminal nuisance.

Gweta riri kumirira vasungwa ava, Va Andrew Makoni, vanoti vasungwa ava vachamiswa pamberi pedare mangwana, sezvo varamba kubvisa mari yefaindi yavanga vanzi vabvise nemapurisa. Muzvare Magondonga Mahlangu ve WOZA vati havawoni kuti sei mapurisa akasunga vamwe vavo.

XS
SM
MD
LG