Accessibility links

Breaking News

Vanozvishandira Votarisira Kuti Vabatsirwe neHurumende


Vatengi nevatengesi pa musika muZimbabwe
Vatengi nevatengesi pa musika muZimbabwe

Rimwe sangano rinomirira vanorarama nekuzvishandira, reVendors Initiative For Social And Economic Transformation, VISET, rinoti rinotambira nemufaro kunyevenutswa kwakaitwa mutemo weLockdown wakaziviswa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kutanga kwesvondo rino wakanangana nevanozvishandira voga.

Asi mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti vazhinji vevanhu vanozvibatira mabasa vari kutadza kudzoka kumabasa nekuda kwekushaiwa mari dzekuti vavhure zvakare sezvo vanga vave nenguva yakareba vasiri kushanda nekuda kwechirwere cheCovid-19.

VaMnangagwa vakazivisa kuti vanozvishandira vave kukwanisa kuvhura kana chete vachitevera mitemo yakatarwa neWorld Health Organization yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

VaWadzayi vanoti hurumende inofanirwa kuchivabatsirawo nemari dzavakambovimbiswa kuti dzichapiwa vemabhizimusi madiki munguva ino yeCovid-19 kuitira kuti vakwanise kusimuka zvakare.

Izvi zvinotevera mashoko egurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima, avo vakavimbisa kubatsira vanozviitira mabasa avo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMavima kuti vasvika papi nenyaya yerubatsiro urwu.

Ngatinzweyi VaWadzayi vachitaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG