Accessibility links

Breaking News

VaWadzayi Vanoti Vanoshuvira Kuti Kuvhurwa kweMisika Inotengesa Zvinhu Kuitwe Zvakajeka


Ecocash 2 Zimbabwe Cash Crunch
Ecocash 2 Zimbabwe Cash Crunch

Bazi rezvemabhizimusi maduku rakaburitsa gwaro rinotara zviga zvinofanirwa kuteverwa nevanozviitira mabasa emaoko kuitira kuti vakwanise kutanga zvakare kushanda zvichitevera kuburitswa kwemutemo weStatutory Instrument 136 we gore ra2020.

Mutemo uyu wakadzikwa nebazi rezvehutano uchitara zvinofanirwa kuteverwa mukudzivirira pamwe nekurapwa kweCovid-19 munguva yekusafambafamba kwevanhu, kana kuti national lockdown.

Zviga zvebazi rezvemabhizimusi madiki izvi zvinosanganisira kuti vanoda kutanga zvakare kushanda vanyorese nemakanzuru avo vachibhadhara mitero yose, pamwe nekuti vatevere matanho ehutsanana akatarwa nebazi rezvehutano anosanganisira kugezwa kwemaoko pamwe nekuvhara miromo.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanorarama nemabasa emaoko, reVendors for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vanoti sesangano vagara vachichema kuti vabvumidzwe kutanga kushanda zvakare sezvo vachirarama nekutengesa ikoko.

VaWadzayi vanoti vanovimba kuti chirongwa ichi chichange chakajeka, uye makanzuru haasi kuzotara mitero yakakura zvekuti vazhinji vavo vanotadza kuzoibhadhara voshaiswa mabasa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG