Boka reZimbabwe Statistics Agency, Zimstats, rinoti kuramba mitengo yezvinhu ichiita chamurambamhuru zvakaita kuti inflation yepagore ikwire zvakanyanya zvekuda kusvika pazvikamu zana kubva muzana mumwedzi waChivabvu zvichienzaniswa nenguva imwecheteyo gore rapera.
Boka iri rinoti inflation, iyo inoreva kukwira kwemitengo yezvinhu panguva imwechete huremu hwemari yemunyika hunenge huchiderera, yakakwira kuenda pazvikamu zvingada kusvika makumi mapfumbamwe nezvisere kubva muzana (97.8%), ichibva pazvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana mumwedzi waKubvumbi.
Zimstat inoti kukwira kwe inflation uku kwakanyanyokonzerwa nekukwira kwemitengo inosanganisira yezvekudya, zvinwiwa nembatya.
Chingwa chinonzi changa chichishaikwa mukupera kwesvondo kusvika Muvhuro, izvo zvinonzi nevamwe zvaiat kuti vamwe vezvitoro vakwidze mutengo kubva pamadhora matatu ane masendi makumi mana ($3.40) kuenda pamadhora mana anemasendi makumi maviri nemashanu, ($4.25).
Dzimwe nyanzvi mune zveupfumi dzinoti kukwira kwe inflation uku ndiko kwakakurisa munhoroondo yenyika mukati memakore gumi.
Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chimwe chakakonzera kukwira kwe inflation zvakanyanya kudai kusagadzikana kwedhora reRTGS, iro riri kushandiswa munyika, kana richienzaniswa nemari yeku America.
Facebook Forum