Accessibility links

Breaking News

Media Monitors Inoti Vatori veNhau Ngavabate Mapato Ose


Rimwe remasangano anoongorora mashandiro evatori venhau munyika, reMedia Monitors, rinoti mapato ezvematongerwo enyika ari kukwikwidza musarudzo dzichaitwa Muvhuro haasi kupiwa mikana yakaenzana yekubuda panhau.

Mukuru weMedia Monitors, Muzvare Patience Zirima, vati ongororo yavakaita inoratidza kuti Zanu PF ne MDC Alliance ndivo vari kunyanyobuda munhau mapato madiki asingabudi.

Muzvare Zirima vatiwo vanhukadzi havasiwo kubudiswa munhau zvichienzaniswa nevanhurume vari kukwikwidza musarudzo.

Vati ongororo yavo yakatanga musi wa 31 Chivabvu inoratidza kuti panyaya dzakanyorwa dzesarudzo, zvikamu gumi nechimwe chete kubva muzana ndodzaitaura zvevanhukadzi vari kukwikwidza.

Muzvare Zirima vatiwo tsvagiridzo yavo inoratidzawo kutinhepfenyuro yehurumende yeZimbabwe Broadcasting Corporation haisi kubudisa musiyano pakutsvaka rutsigiro kwebato reZanu PFnepavanenge vachiita mabasa ehurumende.

Muzvare Zirima vatiwo vari kushushukana nemaitiro ekomiti yeZimbabwe Electoral Commissioninoongorora mashandiro evatapi venhau musarudzo, vachiti haisi kuonekwa zvairi kuita kunyange kwasara nguva shoma shoma yekuti sarudzo dziitwe .

VaPrisiel Samu vanoshanda neMedia Monitors vaudzawo Studio7 kuti bato reZanu PF ndoriri kunyanyobuda munhau vachiti zvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana dzenyaya dzesarudzo munhau dzaitaura zvebato reZanu PF.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu, vatiwo kunyange hazvo vatori venhau vari kuita basa ravo nepavanogona napo, zvinosuwisa kuti mapato maviri chete ndiwo anongoramba achitaurwa.

VaNyamutumbu vakurudzira vatapi venhau kuti munyaya dzavo vabudisewo kuti mapato ari kuzokwikwidza akamirira chii huye vachagadzirisa seyi matambudziko ari munyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata sachigaro weZec Media Monitoring Committee, Amai Joyce Laetitia Kazembe, kuti tinzwe divi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG