Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopembera Kuwana Kuzvitonga Hupfumi Huri kuMawere


Zimbabwe yakapembererera kusvitsa makore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga asi zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka.

Vamwe vanoti izvi zviri kukonzerwa nekutadza kutonga kwemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti chapa kuti hupfumi huende kumawere inyaya yekutadza kutungamira nyika kwehurumende.

Asi vanotsigira VaMugabe vanoti nyaya yezvirango ndiyo yapa kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Munyori mukuru wevechidiki mubato reZanu-PF, VaKudzai Chipanga, vanoti chauraya Zimbabwe inyaya yezvirango zvakatemerwa nyika nenyika dzekunze.

Asi mutungamiri webato reMavambo Kusile Dawn, Doctor Simba Makoni, uye vaimbova gurukota rezvehupfumi, vanotiwo kutadza kutungamira kwete zvirango kwauraya nyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kubva muna 1980 kusvika muna 1990, hupfumi hweZimbabwe hwainge hwakasimba zvikuru.

Musimboti wehupfumi hwaibva mukurima, zvigadzirwa uye mahotera kuburikidza nekushanyirwa kwenyika.

Asi kubva kuma1998 zvinhu zvakabva zvatanga kuita manyama amire nerongo munyika zvakapa kuti kubva muna 1991, Zimbabwe iparure chirongwa cheEconomic Structural Adjustment Program, kana kuti ESAP.

Pakapera chirongwa ichi pakabva paparurwa chimwe cheMillenium Economic Recovery Program kubva muna 1998 kusvika muna 20000.

Zvirongwa zvose izvi hazvina kubudirira kusvika paumbwa hurumende yemubatanidzwa muna 2009 apo pakaparurwa chirongwa cheShort Term Emergency Recovery Program, kana kuti STERP.

Hupfumi hwenyika panguva iyi hwakawedzera nezvikamu zvina nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 5.7%.

Pakapera chirongwa ichi pakaparurwa chimwe cheMedium Term Policy.

Muna 2013 pakapera hurumende yemubatanidzwa pakaparurwa chirongwa cheZimAsset asi hupfumi hwenyika hunenge hwatonyanyaya kuenda kumawere.

Zimbabwe haisi kupihwa zvimwe zvikwereti nenyika dzekunze uye inoti izvi zviri kukonzerwa nezvirango izvi.

Asi vaimbova gurukota rezvehupfumi vari mutungamiri webato rinopikisa rePeople's Democtratic Party, VaTendai Biti, vanoti Zimbabwe haisi kubhadhara zvikwereti nekudaro ndokusaka pari kushaya anoibatsira.

Pakawana Zimbabwe kuzvitonga muna 1980, mari yemunyika yainge yakasimba zvikuru asi iko zvino Zimbabwe yave kushandisa mari dzekune dzimwe nyika.

Hurumende inoti kushomeka kwemari kuri kukonzerwa nevamwe vezvitoro vasiri kuendesa mari kumabhanga.

Asi VaMakoni vanoti handiro dambudziko chiri kupa kuti zvidai inyaya yekutadza kufambisa zvakanaka nyaya dzezvehupfumi.

Asi gurukota rinoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vanoti VaMugabe vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

VaMandiwanzira vanoti VaMugabe vakwanisa kuendesa hupfumi kuvatema.

Muimbi ane mukurumbira munyika, Doctor Thomas Mapfumo, anoti nyaya yehuwori ndiyo yapa kuti nyika iende kumazivandadzoka.

Hongu Zimbabwe iri kupemberera kuzvitonga kuzere asi munyika zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo kusina mabasa, zvipatara hazvina mishonga nezvimwe zvinokosha muhupenyu hwevanhu.

Asi hurumende inoti vanhu vane minda uye makambani akawanda ave mumaoko evatema.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG