Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Makore Makumi Mana eKuzvitonga Paine Maonero Akasiyana Pane Zvaitwa neHurumende


Zimbabwe neMugovera iri kucherechedza kusvitsa makore makumi mana yawana kuzvitonga.

Vana veZimbabwe neMugovera uno vari kucherechedza makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga kubva kuhutongi hwevachena, avo vaive vakapakata muhapwa dzavo hupfumi hwese hwenyika, vatema vachikwangwaya nekunhonga svosve nemuromo.

Kuuya kwehutongo hwevatema kwakasimudza tariro yevakawanda vachiti vakanga vazowana hutongo hwejekerere, ruzhinji rwavo rwakanga rwakandwa murukangarabwe nevachena pavaitora ivhu ravo rose raive rakanaka.

Asi makore makumi mana nyika yawana kuzvitonga, vamwe vavo vave kuti zvinhu zvatonyanya kuvaipira zvichienzaniswa nenguva yehutongo hwevachena, sezvo vasisina mabasa ekuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.

Vanoti mamiriro ezvehupfumi aparara zvekuti munhu haachanise kuziva kuti remangwana rinobuda richimuigira chii.

Nyaya dzehutano dzinonzi dzatove matakadyakare sezvo zvipatara zvizhinji zvemunyika zvisisashande sezvinotarisirwa.

Vashoma vachiri mumabasa vacho vanoti nguva zhinji vave kuipedzera mumigwagwa vachiratidzira kuitira kut vapiwe mihoro inovararamisa.

Kupinda pachigaro kwevave mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muna 2017, mushure mekubviswa nemauto kwevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, kwakambopa veruzhinji tarisiro yeramangwana rakajeka.

Asi ruzhinji rwavo ndirwo rwave kuti rwakapemberera n’anga neyakabata Mai, sezvo vachiti zvinhu zvatonyanya kuenda kumawere.

Asi kuti hapanawo here chakanaka chakaitwa neZanu PF kwemakore makumi mana ose aya?

Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira, vanoti chikuru chaitwa nebato ravo kupa ivhu kuvatema, zvisineyi nekuti ndevebato ripi rezvematongerwo enyika.

VaCharumbira vanoti bato ravo pari zvino rave kutopedza kuongorora kuti ndivanaani vakawana mapurazi akawanda kudarika vamwe, uye kuti vakanga vasati vawana ivhu, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, vawaniswe.

Asi mutewedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC mudunhu reNorth America VaTimothy Muringai, vanoti Zanu PF yakundikana kwemakore akawanda kuzadzisa zvose zvakarwirwa hondo yerusununguko.

Vanoti zvinhu zvaparara kwemakore akawanda munyaya dzezvehupfumi, zvehutano pamwe nekuvharwa kwemakambani, izvo zviri kusiya vashandi vakawanda vave mumigwagwa vasisina mabasa.

Hurukuro naVaRegis Charumbira Pamwe naVaTimothy Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG