Accessibility links

VaMutsvangwa Vovimbisa Vatori veNhau Uchi neMukaka


VaChris Mutsvangwa

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaChris Mutsvangwa, vanoti vanoda kubvisa mitemo inoomesera vatori venhau kuitira kuti vaite basa ravo nemazvo.

VaMutsvangwa, avo vakamboita mukuru we Zimbabwe Broadcasting Corporation, vanoti sezvo vakamboshanda semutori wenhau, vachashanda zvakasimba mukuona kuti vatori venhau vaite hupenyu hune chiremera.

VaMutsvangwa vanoti havadi kuti vatori venhau vatambure sezvavakaita apo Professor Jonathan Moyo vaive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko.

VaMutsvangwa vanoti vachaonwo kuti vatori venhau vabhadharwa zvakakwana kuitira kuti vaite basa ravo vachifara.

VaMutsvangwa vakagadzwa segurukota rezvekuburitswa kwemashoko neChina manheru nemutungamiri mutsva wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Kudomwa segurukota rezvekuburitswa kwemashoko kwavakaitwa, kwava kureva kuti VaMutsvangwa vava kusiya chigaro chavo sasachigaro weZimbabwe National Liberation War Veterans Associations.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG