Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vari Kupika Jeri kuBotswana Voramba Kutambira Chirongwa Chekuti Vapikire Kumusha kuZimbabwe


Zimbabwe Prisoners
Zimbabwe Prisoners

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kupika mumajere eBotswana zvinonzi hazvisi kutora mukana wekuti zvinopikira kuZimbabwe sezviri muchibvumirano cheZimbabwe neBotswana.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kweBotswana, VaKagiso Mmusi, vaudza Studio7 parunhare kuti hakuna chizvarwa cheZimbabwe kana chimwe zvacho chakaita chikumbiro chekuti chidzoswe kumusha kubva pakaitwa chibvumirano ichi mwedzi mipfumbamwe yakapfuura.

VaMmusi vati Botswana yanga yakatarisira kuti ichaderedza huwandu hwevanhu vari mumajere enyika iyi kuburikidza nechirongwa ichi.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe chiuru chimwe chete nemazana manomwe nezvinomwe zviri kupika munyika iyi kotiwo mazana mashanu nevatatu vakamirira kutongwa kwemhosva dzawo.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mujeri muBotswana chisina kuda kudomwa nezita racho, chinoti majeri emuBotswana akanaka kupikira zvichienzaniswa nemajeri ekuZimbabwe.

Mukuru wekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, kana kuti ZimJustice, VaTendai Mbofana, vaudza Studio7 kuti kubatwa senhapwa kunoitwa vasungwa mumajere emuZimbabwe ndiko kuri kuita kuti varambire mumatirongo eBotswana.

VaMbofana vanoti kupinda mujeri remuZimbabwe kunotyisa nokuti hakuna zvinhu zvinodikanwa kuitira kuti hutsanana nehupenyu hwevasungwa huchengetedzeke.

Vachitsigira mashoko aVaMbofana, mumiriri weZengeza West muNational Assembly, uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, avo vakabuda mutirongo munguva pfupi yapfuura mushure mekunge vabvisiswa mari yechibatiso, vanoti majere eZimbabwe haana zvekudya zvakakodzera uye magumbeze ekufuga.

Muna Nyamavhuvhu gore rino, sangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica rakaburitsa gwaro richikurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti ichengetedze kodzero dzevasungwa munyika.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rinoona nezvemajeri, VaZiyambi Ziyambi, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kubatika panherembozha yavo.

Muna Chivabvu gore rino, Zimbabwe yakaburitsa nasungwa chiuru nemazana mashanu senzira yekuderedza huwandu hwevasungwa vari mumajeri emunyika.

Pari zvino Zimbabwe ine vasungwa vanodarika zviuru makumi maviri, asi ichikwanisa kuchengeta vasungwa zviuru gumi nezvinomwe chete, izvo zviri kuita kuti vasungwa vagare vakamanikidzana munguva ino yechirwere cheCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG