Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvotarisira Hukama Hutsva Huri Pakati peZimbabwe neBotswana


Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi
Mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda nekugara muBotswana zvine chivimbo chikuru chokuti kusimudzirwa kwehushamwari hwenyika mbiri idzi kuchagadzirisa zviri kunetsa vana veZimbabwe munyika iyi.

Ongororo yaitwa neStudio7 mudhorobha reFrancistown, Botswana yaratidza kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda munyika iyi zvinotarisira nechivimbo chikuru kuti kumutsidzirwa kwehushamwari hweZimbabwe neBotswana kuchagadzirisa zvinetswa zvavari kusangana nazvo.

Nyika mbiri idzi dzakanyorerana chibvumirano chekuvandudza hushamwari hwadzo kubva mujoint commission kuti huve bi-national commission muchirongwa chichaita kuti vatungamiriri venyika mbiri idzi vasange gore negore vachizeya zvinetswa zvinosanganisira nyaya dzezvehupfumi nezvematongerwo enyika.

Chiitiko ichi chakaitika nemugovera mudhorobha guru reWindhoek muNamibia uko kwangakwabatirwa musangano hwe Southern African Development Community (SADC) hwechimakumi matatu nerusere.

Mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi, vaita vafakazi mukusainirana uku.

Vachitaura neStudio7, chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaRomeo Goveya, vati vanoshuwira kuti chibvumirano ichi chichabatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara nekushanda muBotswana munyaya dzemapepa.

Kunze kwenyaya yemapepa, vamwe vari kuchema chema nenyaya dzezvipfuwo.

Muzvare Moreblessing Garai vanoti mamwe anotorwa neBotswana muhurongwa hwayo hwekurwisa chirwere cheFoot-and-Mouth Disease akaipira vagari vekuPlumtree.

Mombe dzevarimi veZimbabwe dzinorasikira muBotswana dzinopfurwa nemapurisa pamwe nevashandi vebazi rezvekurima venyika iyi.

VaTom Sinyoro vanoti chirongwa ichi chingabatsira kwazvo mukugadzirisa nyaya dzekugara nekushanda kwezvizvarwa zveZimbabwe muBotswana.

Nyanzwi mune zvezvipfuyo, VaPrince Gurure, vati chibvumirano ichi chichabatsira zvikuru zvizvarwa zvenyika mbiri idzi munyaya dzezvehupfumi, dzidzo nemabasa.

Kunze kweBotswana, Zimbabwe ine chibvumirano che bi-national commission neSouth Africa icho chayakasaina mugore ra2016.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG