Accessibility links

Breaking News

IMF Yodoma Zimbabwe Seimwe yeNyika dzemuAfrica Dzinotyirwa Kuti dzichatambudzwa neZvikwereti


Muzinda weInternational Monetary Fund muWashington, D.C.

Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti dzimwe nyika dzemuAfrica dziri kuratidza kuti hupfumi hwadzo huri kukwirira zvikuru asi ichiyambira zvakare kuti zvikwereti zvenyika idzi zviri kunyanyawo kukwira, izvo zvichakonzera matambudziko.

IMF yadoma nyika nhanhatu dzinoti Chad, Eritrea, Mozambique, Congo Republic, South Sudan neZimbabwe, senyika dzakatarisana nematambudziko munyaya dzezvehupfumi nekuda kwekukwereta mari zhinji.

Mashoko aya anouya panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kushanya kuQatar, uko vanonzi vakanyorerana zvibvumirano zvizhinji nehurumende pamwe nevemabhizumisi veko.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanira kuchenjerera zvainosaina nekuti zvingazonetsa nyika mazuva ari kuuya.

Imwe yenyanzvi idzi, Professor Elliot Masocha, avo vanodzidzisa zvehupfumi paDevry University kuOhio muAmerica, vanoti Zimbabwe haigoni kubudirira nemari yekukwereta uye inofanira kuita zvekusarudza zvinhu zvine basa zvinoita kuti nyika ibudirire, kwete kukwereta mari dzisingaoneke kuti dzashandiswa papi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG