Accessibility links

Breaking News

Vazhinji Vanoti Mari Yakabva kuIMF Inofanirwa Kushandiswa Zviri Pachena


International Monetary Fund

Zvichitevera kupiwa mamiriyoni mazana mapfumbwamwe nemakumi matanhatu nerimwe emadhora ekuAmerica (US$961m) kubva kuInternational Monetary Fund (IMF) pasi pechirongwa chesangano iri chekugadzirisa nyaya dzehupfumi munyika dzepasi rese, cheSpecial Drawing Rights, hurumende yeZimbabwe inoti mari iyi ichashandiswa mukurwisa chirwere cheCovid-19, nyaya dzehutano, dzidzo nekubatsira vanotambura nezvimwe.

Asi mamwe mapato ezvematongerwo enyika, mamwe masangano anomirira vashandi nevanhuvo zvavo vanoti mari iyi inofanhirwa kubatwa zvakanaka uye zviri pachena.

Mumwe wevakataura izvi mutungamiri webato rinopikisa, reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti mari iyi inofanirwa kushandiswa zviri pachena.

Nyanzvi munyaya dze zvehupfumi, Amai Chenai Mutambasere, vanoti mari iyi haina kufanana nemari dzinongopihwa nyika nguva dzose dzose, vachiti mari iyi ine mafambisiro ainofanirwa kuitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG