Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Vokuridzirwa Kuva Neruzivo Nezve VaKaremara


VaTinashe Mageza
VaTinashe Mageza

Vatori venhau vemunyika vanokurudzirwa kuti vave neruzivo rwakakwana pamusoro pemararamiro evakaremara, kuitira kuti vakwanise kunyora nyaya dzine hudzamu dzinobatsira kusandura maonerwo anoitwa vakaremara.

Munyori mukuru wesangano revakaremara reFederation of Organisations of Disabled Persons (FODPIZ), Muzvare Elisa Ravengai, vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vanyore nyaya dzinoita kuti vakaremara vasarambe vachisarurwa nekutarisirwa pasi.

Muzvare Ravengai, avo vanoona zvishoma shoma nekuda kwedambudziko rekuzvarwa naro vanoti vatori venhau vanofanira kuzvipa nguva yekunzwisisa kuti chii chinombonzi hurema.

“Ngavagare nevanhu vakaremara kana dai zvaikwanisika vachibvunza nekuona mararamiro avo vafambe vachinoona munzvimbo dzinobatsira vakaremara, atingati ma disability service organisations vachinoona kuti vanhu vakaremara vanorarama sei."

Muzvare Ravengai vanoti vatori venhau vane basa guru rekudzidzisa veruzhinji pamusoro pematambudziko anosangana nemadzimai akaremara.

“Vangava amai, vangave vatete zvigaro zvavanofanira kunge vachi asuma mu family, dzimwe nguva panoroorwa panogona kutorwa tete vasina kuremara iwo woiswa kurutivi vachinyara newe. Saka tinoona kuti mamwe ma roles anoitwa nevamwe, vakadzi vakaremara havamaite nekuti vanosarurwa even kumhuri dzavo.”

Mashoko aya anotsigirwa naVaSadat Sanhehwe vanoshanda vakazvimiririra vachigadzira mafirimu anozoonekwa neruzhinji.

“Hazvibatsire kuti munongosangana nevanhu kuno kuma workshops vane ma disabilities."

Vanoenderera mberi vachiti, "Munoona kuti vanouya kuma workshops, they are privileged, but ivo vane matambudziko chaivo chaivo hamusi kusangana navo.Saka kuti munyatsobata kuti vari kuita matambudziko eyi sometimes hamuzvinzwisise. Saka ndati dai vanhu vamboenda, vaspenda a day vari kuma homes iwayo, vozonyora nyaya dzavo nemunzira kwayo yekuti vanenge vakuziva zviri kuitika.”

VaAbram Mateta, avo vasingaone, inhengo yesangano reLawyers with Disabilities Association Zimbabwe Trust. Vanoti vatori venhau vanofanira kubatsira kutsiura vari mune zvematongerwo enyika apo vanodzikisira pasi vakaremara.

VaTinashe Muchuri mutori wenhau vari zvekare nyanduri. Vanoti vatori venhau vakaremara nevasina vanofanira kushanda pamwechete kugadzira duramazwi remazwi akakodzera kushandisa kana tichitaura nezve hurema.

VaMuchuri vakati, “Unonzwa mumwe munhu achitaura mumwe kuti haaone. Asi unomuona munhu iyeye anonzi haaoni achifamba ega achidimbura mugwagwa achienda kwaanoda kuenda, achizvibikira chikafu chake ega nekuzviitira zvimwe, kana nyangwe kudzidza achinzi haaone.”

Vakaenda mberi vachiti: “Dambudziko randakaona nderekuti vanhu vanofunga kuti munhu wese anonzi anoona anofanira kuona nemeso. Saka izvozvo zvese zvinofanira kuzivikanwa kuti patinoti kune vasingaone tinenge tichinyepa nekuti munhu wese anoona asi maonero anosiyana. Kozouya vamwe vanonzi vasingafambi nekuti anenge achishandisa wheelchair. Asi ukamutarisa anenge achibva pane imwe nzvimbo achienda pane imwe nzvimbo zvichiratidza kuti ari kufamba ega pasina anomubatsira. Tikatarisa kune vamwe vanonzi havatauri, ini ndotarisa ndoti ko imi munoti havatauri neyi? Nekuti imi munogona kutaura nemuromo asi ivo vane matauriro avo avanoita. Vanotaura namaoko.”

VaMuchuri havana kuremara uye vave nemakore mashanu vachishanda pachena nevana vakaremara vepa St. Giles muHarare, panguva dzavanenge vachigadzira zvinhu zvakasiyana siyana zvemaoko zvavanoshambadza. VaMuchuri vanoti kushanda nevakaremara kwavasandura pamaonero avanoita vakaremara.

“Ini kana ndichitarisa munhu handione hurema huri paari. Chandinoona munhu. Pese pandinoona chero ari mu wheel chair ndiri kuona munhu, ari kufamba nemadondoro ndiri kuona munhu, ari kutaura nezviratidzo ndiri kuona munhu handisi kuona zvimwe zvinhu zvese zvisipo paari. Ndinoona munhu ane zvaanogona.”

Sachigaro vesangano revatori venhau vakaremara, reProfessional Media Abilities Network VaPatrick Musira vanoti vari kuedza nepose pavanogona kudzidzisa veruzhinji pamusoro pekukosha kwekodzero dzevakaremara. VaMusira, avo vakaremara gumbo reruboshwe vanoti vakawanda vari kushaya mabasa nekuda kwehurema, zvinova zvinofanira kuburutswa pachena nevatori venhau.

VaMusira vakati, “Kana une urema usingaone, usingagone kufamba, uchishandisa wheel chair, kana zvimwe zvinhu zvakadaro vanhu vanofunga kuti uri murombo, hapana chaunoziva kunyange hazvo iwe wakadzidzira basa racho uchirigona zvemandorokwati." Vanotiwo, "Vanhu vanofunga kuti vakakuona chete uchifamba, kana wakamira une munhu ari kukubatsira vanofunga kuti uri kutotsvaga rubatsiro, hapana chaungaita.”

VaLiberty Lupahla avo vasingaone mushamarari ane mukurumbira anoshandira ari kuBulawayo. Vanoti dambudziko rekuonerwa pasi revakaremara rinogona kupera chete kana vana vakawanda vakaita zvidzidzo zvekutapa nhau nekuti ndivo vanogona kunyatsodongora matambudziko anosanga nevakaremara. Asi VaLupahla vanoti zvikoro zvinodzidzisa vatori venhau zvinofanira kugadziridzwa kuti zvikwanise kutorawo vana vakadai.

VaLupahla vakaudza Studio 7 vachiti, “Saka munhu ane wheel chair anokwira sei ma steps pasina ma ramps? Ma computers emuma libraries enzvimbo dzinotapa nhau haana iya inonzi speech software pachirungu yekuti munhu asingaone kana achida kushandisa computer anongopinda mu library ostrima internet, oshandisa computer sevamwe." VaLupahla vanoti, " Izvozvo zvese iri nyaya yekushayikwa kwehurongwa, iya inonzi pachirungu disability policy inosungira kuti chikoro chega chega chiinclude vanhu vakaremara. Muchaona kuti ma chamber acho kana ma shanks haasi accommodative kumunhu akaremara.”

Munyori mukuru musangano reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi vanoti zvakakosha kuti vatori venhau vakaremara vashande pamwechete nenhengo dzeparamende kuti pave nemutemo unosungirira venhepfenyuro nemapepanhau kuti vave nezvirongwa zviri pamusoro pevakaremara uye zvichipa munongedzo pamusoro pemazwi anofanira kushandiswa.

“Tinoziva kuti pakutepfenyura nepakunyora vanoshandisa mashoko anonyomba nekushoropodza. Saka sangano iroro rinofanira kubatsira kuti pave nedura remazwi anogamuchirika, asingashungurudzi nekushoropodza vangave vakaremara, kana ivo vatori venhau vakaremara.”

“Zvinhu zvikaramba zvichidai, vatori venhau vachiwana yeuchidzo pamusoro pezvinofanira kuitwa pakucherechedzwa kwekodzero dzevakaremara, remangwana ravo richange rakajeka.”

Nyaya Ina Safari Njema
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG