Accessibility links

Breaking News

RBZ Yoparura Mari yemaBond Notes


Mabhanga guru munyika nemusi weMuvhuro akatanga kupa vanhu mari yemabond notes kunyange hazvo vamwe vezvitoro, pamwe nevanotengesa mumigwagwa vakambotanga vachiramba kutambira mari iyi mangwanani.

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaparura mari yemabond notes iyo yange yave nenguva yakareba ichingonzi ichauya.

Zvitoro zvikuru muHarare zvakaita seOK Zimbabwe nePickNPay zvakambotanga zvichiramba kutambira mari iyi zvichiti zvainge zvakamirira kuwana tsanangudzo kana kuti masecurity features.

Patatenderera muguta panguva dzekuma10, zvitoro zvakawanda zvange zvisingatambiri mari iyi zvichiti zvainge zvakamirira kunzwa kubva kuRBZ.

Asi pakazotendera zvekare Studio 7 panguva dzekumasikati, zvitoro zvakawanda kusanganisira OK ne PickNPay zvange zvave kutambira mari iyi.

Mumwewo anotengesa mumugwagwa muHarare achigara kuChitungwiza uyo ati anonzi John audza Studio 7 kuti vatanga kutambira mari iyi sezvo iriiyo mari yave kushandiswa.

John uyo anonoka kupinda muguta sezvo kwange kuri kunaya ati kunyange vedzimotokari dzinotakura vanhu vange vave kutambira mari itsva iyi.

VaRichard Bvirindi vanoti kunyange hazvo veRBZ vange vari kushambadza nezvemaBond Notes, vange vasina ruzivivo rwekuti maBond Notes anenge akamira sei.

Zvichakadaro, mukuru werimwe sangano rinomirira vane zvitoro reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu vaudza Studio 7 kuti nhengo zhinji dzesangano ravo dzatambira mabond notes.

VaMutashu vanoti huwandu hwezvitoro zvange zviri kutambira mabond notes hwange huri kuwanda nekufamba kwezuva uyewo kunyange vamwe vanotengesa mafuta edzimotokari vange vari kutambira mari iyi.

Mashoko aya atsinhirwa nemumwe mugari we muHarare, VaTatenda Moyo vanotiwo semaonero avo, mari iyi yazotambirwa kunyange hazvo yange iri kurambwa mangwanani.

VaBenard Nyasha ndemumwe wevakwanisa kutora mabond notes mubhanga mavo uye vanoti vashandisa mari iyi kutenga airtime.

Mugari wemuHarare VaTinashe Eric Muzamhindo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo pamboita kamweya kekuramba mari iyi, vanoona sekuti yatambirwa asi havazive kuti zvicharamba zvakadaro kusvika rini.

Vatiwo havaoni sekuti mari iyi ichapedza dambudziko rekushaikwa kwemari munyika sezvo iri mari shomanana kana zvichienzaniswa nemari inoda kushandiswa munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaJohn Robertson, vanoti kunyange hazvo veruzuhinji vange vasina chivimbo nehurumende nehuromgwa hwayo hwemabond notes zvichanyatsobuda pachena mukati memazuva mashonana anotevera kuti veruzhinji kana maindasitiri vachatambira mabond notes here kana kuti kwete.

Imwewo nyanzvi munyaya dzezvehupfuumi vachishanda vakazvimira, VaJames Johwa vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanhu vanogona kunge vatambira mabond notes nekuda kwekunetsa kwemari munyika, izvi handizvo zvichapedza dambudziko rekushaikwa kwemari..

Vati chikuru chinodiwa kuti nyika ikwezve mabhizimisi pamwe nekuve nemutemo inota kuti mabhizimisi nemaindasitiri ashande zvakanaka achigadzira zvinhu zvekutengesa kunze izvo zvinounza mari munyika.

Nyaya yekunetsa kwemari yekunze munyika, ndiyo yaita kuti RBZ ipinze pamusika mabond notes anosvika mamiriyoni mazana maviri emadhora achitsigirwa nemari inobva kuAfrica Export and Import Bank.

VeRBZ vanoti vambotanga kuparura mabond notes e$10 million ari muzvikamu zve$1, $2 ne$5.

VeRBZ vanoti munhu anobvumidzwa kutora mabond notes $50 pazuva uye $150 pasvondo. Hatina kukwanisa kutaura neveRBZ kuti tinzwe divi ravo pane zvaitika musi watanga kuparurwa mabond notes.

Kunyangwe hazvo mabond notes aatanga kushandiswa mitsetse yevanhu vanoda mari yange yakareba zvikuru sei mumabhanga emuno akaita seZB, CABS, POSB neCBZ.

Mabond notes akapinda pamusika kunyange hazvo vemapato anopiksa pamwe nemasangano akasiyana siyana munyika anosanganisira Tajamuka/Sisijikile, Zimbabwe Congress of Trade Unions ange ari kukurudzira veruzhinji kuti vasatambira mari iyi.

Zvichakadaro, imwe nhengo yeTajamuka, VaPromise Mkwananzi vakasungwa neMuvhuro muHarare mushure mekunge vaita musangano wekutaura nezvemabond notes.

Imwe nhengo yesangano iri, VaDenford Ngadziore vanoti pamusangano uyu VaMkwananzi vange vari kutaura nezvehurongwa hwekuratidzira pamusoro pemabond notes uwho huchatwa musi nemusi wechitatu.

VaNgadzirore vanoti kuratidzira uku kuchaenderera mberi zvisinei nekuti vapihwa mvumo nemapurisa here kana kuti kwete.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG